GRADE 7: Bvunzo: Gara wakagadzirira

23 Apr, 2015 - 11:04 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
NEMHAKA yekuti nguva tichiri nayo ngatiishandise zvine mwero kwete kuti tozozviona zvasvika nekuti hapana anoziva kuchanowira tsvimbo nekuchadonhera dohwe. Rega kukakaritsana neguva uchitamba chikweshe usingagadzire denhe rako reruzivo. Iva mwana anoti zvikanzi bvunzo rauya unoti ngariuye nekuti wakagadzirira zvakakwana.

Ndiri kurusimudzira rwetsumo kuti tivake hwaro kotoro yepiri isati yasvika. Shandisa nguva ino kurongedza nhava yako uye kugadzira manyatera akasimba nekuti rwendo rwowofamba rwati simbei. Kotoro yetatu haina zvakawanda nekuti unetenge wotonyora bvunzo dzako.

Ndakati batei tsumo muchikamu chapfuura nekudaro ndoda kuwedzera kuti nhava yedu iti kukumukei.

Munhu anogona kuzvikuvadzira chinhu chake chaanodisisa chose nekuita kusina maturo. Anogona zvakare kutozvikuvadzira kana mwana wake chaiye. Vanoona izvi vanoti idikiti razvitirwa.

Mukurarama tine zvinhu zvinoitwa nevana chete kouya zvinoitwa navakuru voga. Ndizvo zvinonzi ndezvehurura doko dzinonyika miswe.

Isimba redzara kutsvaga mhatso yarisingagari. Iyi tsumo inobata vanhu vaya vanopedzera masimba avo pazvinhu zvavasina basa nazvo. Vanogona kuswero shingairira nekuteukira zviya zvinhu zvavasina chido chekuzozvishandisa.

Kunogona kuitika mashura chaizvo kumunhu zvekuti kunoitika chimwe chinhu chisingawanzoitika kune vanhu vagotoshama nazvo. Vagoni vanobva vati zvinova negore mukonde kufa dziso.

Ndizvo zvarinoda dokoriro kuripa sadza negusha. Dokoriro igurokuro uye gusha iderere. Munhu akaipiwa basa iro anonzwisisa nekugona kuriita unopira mashavi ake kuti aoneke kuti ane chipo chacho. Anonyatsoita nemazvo.

Kana munhu achinge ayambirwa maerano nenhamo nedambudziko rinogona kumuwira ngaaedze kubuda mariri kana kutiza dambudziko iroro nekuti mviromviro dzacho dzinoguma ava taisireva. Pakadai vakuru vanoyambira vachiti chati homu chareva.

Kuteta jedye kuriyambutsa itsumo inodzisidzisa kuti ukashora muchena kana kuti anoshaya kutomupa simba neshungu pakuunganidze zvinhu zvaanga asina.

Kana munhu akavingwa nenhamo haafaniri kuvenga vamwe vaakagarisana navo vane zvavo zvakakwana kana kuti vakagarika asi kuti ngaazvionere nekuti havasi ivo vakamupinza mumatambudziko iwayo. Murombo haafaniri kuvenga vakapfuma nekuti havasi ivo vakamutadzisa kuita pfuma yake. Ndizvo zvinoyambirwa zvichinzi ndimiwo here ndakati jedye nagiritemwe muswe.

Tinoyambirwa kuti tisakurumidze kurumbidza zvinhu tangoona kunze kwazvo chete nekuti pamwe ukazoongorora mukati macho chinozokuipira. Hatifanirwi kukurumbidza kuvimba nezvinhu zvatisati tava nechokwadi nazvo nekuti pamwe tinogona kuzotsamwa kana tazowana ruzivo rwakakwana pamusoro pazvo. Naizvozvo tinowana yambiro izere kubva mutsumo inoti Kamusha kari papa kunge usati wagara mukati mako.

Tinoisimudzira zvakare muzvikamu zvinotevera nekuti tsumo ndiwo musimboti.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>