GRADE 7: Dzimwe mhando dzechikafu

17 Jul, 2014 - 17:07 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
CHIKAMU chapfuura takatarisa mhando dzezvirimwa asi hatina kubata pamusoro pechibage. Chibage hachina mazita acho echiShona anozivikanwa nemhaka yekuti handisu takatanga kuchirima kuno kunyika yedu yeZimbabwe asi chine mhando dzakawanda chose.

Zvinonzi chibage chakabva kuSouth America uko chaimera chega mumasango. Chakazouyiwa nacho muno chikatora nzvimbo yemapfunde, zviyo nemhunga. Chatinoziva ndechekuti chimwe chibage chine tsanga huru nemiguri mukuru asi chimwe chidiki.

Chatairima chandisina kutaura muchikamu chapfuura inyimo, manhanga uye tsenza. Tine mhando dzenyimo dzinonzi Kapofu, Mberete neTumbe.

Manhanga kune anonzi Ditimanga iro rine munyepfu wakakura. Vamwe vanodaidza iyi mhando yenhanga kuti Nyamutunha. Kune mamwewo manhanga anonzi Mangachena kuchizouya Nzunzu. Nzunzu rinowanzozivikanwa nekuita mavara mavara uye rinonaka chose. Nzunzu rinonzi zvakare Ndodo.

Mapudzi imwezve mhando yemanhanga. Mashambawo arimowo mumanhanga imomo. Vamwe vanoati mafere.

Kumatoro kunorimwawo tsenza. Kune tsenza inonzi Sasamwi iyo ine tumidzira twakawanda pakudya. Inoti tapirei uye haina muto wakawanda. Kuno uya zitsenza zihombe risina kana midzira uye pakudya mutserendende. Mhando iyi inonzi Mbangu.  Mamwe mazita etsenza ndeanoti Gombwa, Mvumvu, Ndurwe, Nziye neZananda.

Kune imwe tsenza yakaburitsa tsika yaiitwa nevakuru vekare. Mhando inonzi Chisidyemurongo inonaka chaizvo.

Nokudaro vakuru vainyima vamwe vakadzi vavo iyi mhando yetsenza vachidya nevakaranga vavo kana kuti vakadzi vekupedzisira.

Vana ahosi vaizongopihwawo nemhaka yekuti ndivo vakatanga kuroorwa. Varongo kana kuti vakadzi vepakati vainyimwa, ndiko kusaka yakapihwa zita rekuti Chisidyemurongo.

Kunewo chimwe chirimwa chinonzi Runinga. Runinga irworwo rwunonzi Rusasavo kana kuti Utwiro. Runinga rwunogadziriswa dovi rinonaka nekunhuwirira samare uye rwunokura  kuita twumiti tudiki. Tuvana twacho twakada kuita setsanga dzezviyo, uye kana rwaibva rwunotemwa rwoitwa kuomeswa paruware rwozopurwa.

Madora kudya kunovaka muviri uye kunokurudzirwa chose. Anowanikwa mumiti kana nguva yawo yasvika. Kune mhando dzakasiyana dzemadora.

Kusiyana kwemhando idzi kunobudikidza nemiti yaanowanikwa. Madora anonzi Chiwizi anowanikwa mumukute kana kuti mubonda.  Manhemeteme anowanikwa mumuti wemusasa.

Harati dzinowanikwa mumukarati. Muminhondo, mipani kana mumisasa tinowanawo mashonjowa. Masinini anowanikwa mumubonda kuchiti mavhirinyimo anowanikwawo mumivhirinyimo.

Imomo mumuvhirinyimo munowanikwawo nhingitokowa idzo dzinoitawo mumutowa.

Kumwe kwacho kudya namambo!

 

Share This:

Sponsored Links