Grade 7: Dzimwe mhando dzezvekudya

08 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
CHIKAMU chevhiki ya25 Chivabvu 2018 takakurukura nyaya yezvekudya zvemusango apo takabata mhando dzemadora, dzembeva uye dzehohwa. Saka tati regai timbovandudza chikamu ichocho tichitarisa dzimwe mhando dzezvekudya dzakatangwa navasharukwa vedu vekare.

Kune dzimwe nzvimbo kudya ikoko kuchiri kuwanikwa kunyanya kumaruwa. Kungoti mazuva ano zvitoro ndizvo zvakatora nzvimbo yemasango umo vanhu vava kungopinda vachitenga zvavanenge vachida.
Makare kare zvekudya zvakange zvichiitwa namapoka maviri muhupenyu hwacho.

Vanhurume vaienda musango kunovhima mhuka kuti vagowana nyama ukuwo vakadzi vachienda musango kunochera midzi nekunhonga michero nokudaro kudya kwaiva mavhu namarara. Kudya uku zvakare kwaivaka muviri nekugwinyisa kudarika kudya kwavako mazuva ano kwadai kudaidza zvirwere zvakawanda wanda.

Husavi hwakare hwaisada mafuta sehwamazuva ano hunodaidza bhotoro rose kuti unzwire.
Kwaiwanikwa derere, hohwa, ishwa, hwiza kana majuru.
Kwadyiwa zvakare madora, mandere nembeva.

Mhando dzekudya dzakawedzera pakawana vanhu ruzivo rwekurima nekupfuya zvipfuyo.
Hwaro hwemhando dzezvekudya hwakabva hwawedzera uye vanhu vakange vogarisana pedyo nepedyo.
Mhando nemhando dzembesa dzakawanikwa idzo dzakazoita kuti husavi huchiti tekeshere.

Vaigadzira bota raibikwa nemuto wematamba rainzi munhandabota kana kuti mudzamba. Kune zvakare bota ravaigadzira nekukanya muto wemazhanje rainzi dondore.

Vanhu vaiva nehuchenjeri hwekugadzira huchi kuita muto wainzi musvi. Vavhimi vaiti vakauraya tsoko kana gudo vaibva vavhiya vosasika nyama yacho yaidaidzwa kunzi nhongoruware. Vaigona zvakare kubata chigwavava kana gweshadombo vobva vagadzira husavi hwavaipa zita rekuti hukurutombo.

Mukuvhima ikoko vanhu vakatanga kupfuya nekushandisa imbwa. Vakazosvika pakuchiva imbwa zvekuti vaibata mbwanana vouraya vogadzira husavi hwavakapa zita rekuti mbudziruonje. Vakadzi vaiunganidzawo nokutswa runinga urwo rwaizogadziriswa usavi hwainzi dovi roruninga.

Nemhaka yekuti nyama yainge isingazivani, imwe yaizoomeswa yoitwa chimukuyu. Kuuya kwembesa kwakaunzawo shanduko muhupenyu hwevanhu nekuti chibage chakabva chatangawo kutora nzvimbo huru mukurarama kwavanhu.

Kwakatangawo kuwanikwa jena muponesi rinova sadza. Sadza risina muriwo rakabva rapihwa zita rekunzi nhemurwa. Sadza rakasara manheru rakabva ranzi munya, muradza kana kuti mukucha.

Kurimwa kwenzungu kwakabara dovi iri rakazogadziriswa mhando dzehusavi dzisingaperi. Kune husavi hunoitwa mushure mekukwatisa dovi risina chimwe chinhu mukati maro uhwo hunonzi gwatakwata kana kuti nhakara. Vamwewo vanogona kumaranza nzungu vasingadzitsetsi kusvika kuzoita dovi. Kana dzamaranzwa kudaro dzinonzi chidokohori kana kuti chinanzvirwa.

Dovi rakakorerera rikaiswa nekukwatiswa mumbeva kana majuru rinodaidzwa kunzi rujin’ini.
Nyemba nyoro dzakabikwa nemakanda adzo dzinonzi mahove kana kuti mukove. Manhanga anogona kubikwa osanganiswa netsanga dzechibage obva adaidzwa kunzi mukan’a.

Mapfundewo anogona kutswiwa odyiwa akadaro achidaidzwa zita rekuti mashagada. Mhodzi zvakare dzinogona kukuyiwa dzoumbwa kuita mabhora dzobikwa dzodaidzwa kunzi mabumbe kana kuti undu.
Chibage chakadzvurwa nekubikwa chinonzi mashazhare kana kuti manhuchu.

Nekuda kwekutambudzika kukuru, vamwe vanhu vanosvika pakushaya husavi hwekudyisa sadza ihwo hupfu hurimo. Vanozongobika sadza riya votora mvura ine munyu vanhu votosevesa mukonde wesadza. Mvura iyoyo ine munyu inonzi mutowavhumbu kana nhanhamuto.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>