GRADE 7 …Hurongwa hwegore ra2019

18 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
GRADE 7 …Hurongwa hwegore ra2019

Kwayedza

Ticha Danga
TAKACHINGAMIDZANA zvakanaka gore rino richitanga tichiedza kupinzana mumuforo maererano nekupinda mugwaro rechinomwe. Pari zvino tava kuda kuchionesana kuti tinembenge tichimboiteiko mumasvondo makumi mana ane mapfumbamwe asara kupendera gore redu. Ndasvika mukupenderwa kwegore nekuti chirongwa chedu hachigumire mukunyorwa kwebvunzo asi kuti kusvika tapedza gore racho nekuti kudzidza hakuperi. Tinoramba tichipakurirwa gapu redzidzo kuti tisimbise hwaro hwedu kuitira kuti patichaenda kuzvikoro zvepamusoro tigoramba tichikwikwidzana nenyanzvi.

Hezvinoi zvinotarisirwa kuti chirongwa chedu chinge chichiongorora.

Tichatarisa zvine udzamu manyorerwo erondedzero dzakanaka.

Mukutarisa nyaya dzerondedzero, tinoda kuti tikwanise kuziva mhando dzerondedzero uye kuona kuti dzinonosiyana papi chaipo kuitira kuti tibvise nyaya iya yekubuda mugwara pakunonyora.

Murondedzero imomo mune hunhongwa hunoda kuti hutarisiswe kuti rondedzero iyoyo igodzama.

Muzvidzidzo zvichatevera tichaona musiyano uripo pakunyorwa kwerondedzero idzi kubudikidza nemienzaniso yatichapa.

Hunhongwa hwatinoreva ndizvo zvidavado zvichashandiswa mukunyora basa redu kuti tigogona kubata mbariro dzepfungwa dzemukwenyi webasa redu. Kungava kuparura nyaya kana kushandiswa kwezvirungamutauro uye mamisirwo angaitwa chinyorwa.

Tinotarisa zvakare runyoro uye pfekedzo dzaitwa muchinyorwa tisingakanganwe hurefu hunodiwa.

Tabva mukutarisa rondedzero nemanyorerwo ayo tinoda kuzotarisa kuti tinosvika sei pakunopa mwana gogho rake nekuti haisi nyaya yekungonodzimikira zvibodzwa asi kuti kunotori nemuronga unotevedzwa (marking scheme).

Tabuda mukunyorwa kwerondedzero tichatarisa mafambisirwo anoitwa nzwisiso. Kunewo zvinotarisirwa kuti zvigoitwa paya patinopindura mibvunzo yenzwisiso.

Tine zvatinofanirwa kuchenjerera kusaita apo tinenge tichipindura mibvinzo yenzwisiso kozoitawo zvatinotofanirwa kutoti tiite.

Kune twumwe twutsika twatinoita mukupindura nzwisiso utwo twunotitanhaurira twubodzwa twedu. Tinotarisa zvakare mhando dzezvirungamutauro.

Tine tsumo apo tinotarisa kuzadziswa kwadzo kwakakodzera uye kudzitsanangudza nekudzishandisa muzvirevo. Tsumo dzinotariswa dzinoreva zvakafanana nedzinoreva zvakasiyana.

Tinoongorora mashandisirwo emadimikira muzvinyorwa. Madimikira anotsanangudzwa muzvidzidzo zvedu izvi kuti vana vagogona kutaura mutauro wakapfuma.

Tinoenda mberi tichitarisawo nyaudzosingwi nepadzinoshanda kuti tigona kunyora zvirevo zvinotapira. Zvipauro zvinoongororwa apo tichiedza kuti mutauro uburitse pachena tsanangudzo yechinhu.

Tinozosanganisirawo fananidzo pamwe chete nefananidzosiri kuti zvinyorwa zvedu zvinyatsodzama. Kana tabuda muzvirungamutauro tinoenda mukutarisa iwo mutauro wacho kuti unombofambiswa sei kuti uve wemandorokwati.

Tinotarisa sungawirirano muzvirevo uye kuti mazwi anokodzera muchirevo chemhando yakapiwa anenge akaita sei zvichienderana nechiitiko.

\Mutauro haufanirwi kutyorwa. Tinotarisawo zvakanangana nemitupo namadzinza edu sezvinhu zvatinofanirwa kuziva.

Hurongwa hwedu hunosvika pakutarisa mhuka nevana vadzo uye kana machemero adzo.

Tinoongororawo mhando dzemiriwo nezvekudya zvakasiyana zvakare nezvanhasi tichitarisa zvakare zvombo nemidziyo yaishandiswa kare neyaveko nhasi.

Hatisiyiwo kutarisa zvidimbu zvenguva nemwaka yegore.

Tinoitawo tsvagurudzo pamusoro petsika dzedu tichiburitsa zvakare zvaiitwa kare nezvoitwa mazuva ano.

Chirongwa chedu chinoedza chose kubata zvose zviri maererano nechiShona uye zvatinofungidzira kuti zvingatibatsira mukunyora bvunzo munaGumiguru.

Share This:

Sponsored Links