Grade 7: Kunaka kunoita derere, makurwe

24 Jul, 2014 - 09:07 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
SEVANA vakatarisana nebvunzo hatifanirwi kugonyera panzvimbo imwe mukuverenga nekutsvaga fundo. Tinofanirwa kugara tichiita tsvagurudzo dzakasiyana nekuti chaipo panobatwa nevagadziri vebvunzo (examiners) hapana anopaziva. Tinopara pese-pese mukuedza kuvaka nhaka yedu yechiShona chamandorokwati.

Dzidzo yatinotsvagurudza iyi inotibatsira zvinhu zviviri. Chekutanga tinenge tichida kugadzirira bvunzo. Chechipiri tinenge tichitopfumisa mutauro wedu.

Chikamu chapfuura takatarisa mhando dzezvirimwa nemipatsa yazvo. Taiongorora zvirimwa izvo tinoziva tose tichida kuedza kuburitsa kusiyana kwakaita mbeu dzechirimwa chimwe chete. Nemhaka yekuti kukaringa kwakabva kare, tati titarise kuti chiiko chavaimbokaringa chacho. Vanhu vekare vaiti vakabata makurwe, chero mashoma sei, vaipaza mukonde wesadza. Vairumirira nekuti gurwe rinonaka. Nanhasi uno makurwe achiri kucherwa uye anowanikwa ari mumhando ina.

Kune gurwe rinonzi nyamunjwiriri. Ndiro riya rinorira zvekuvhara nzeve. Iri igurwe rinoteerwa nekubatwa mushure mekunzwika kurira kwaro. Rinorira riri pedyo nemwena zvekuti kungonzwa kuti chwaka, iro ngori mumwena.

Kunozouya gurwe rinonzi nyamuzanda. Iri harinyanyobuda pachena asi kuti rinocherwa mushure mekuonekwa kweduto raro. Kunozowanikwa rinonzi chikudyungu kana kuti gudyui. Vashoma vanhu vanofarira kudya chikudyungu. Kune dzimwe nzvimbo vanodaidza gurwe iri kuti humbwi.

Tingada kuziva kuti makurwe aya anogara sei. Makurwe anochengetera zvekudya zvawo pakasiyana nepaanogara.

Nzvimbo inogara makurwe inonzi kumusha kotiwo paanochengeterwa chikafu panonzi kumunda.

Kuti mukonde wesadza uendeke pakudya, tinoda usavi hwekuritsvedzesa. Husavi hunouya nemhando dzakasiyana kusanganisira iwo makurwe.

Imwe mhando yehusavi iderere. Nederere mikonde nemikonde yesadza inopukutwa nenguva isipi. Kune mhando dzinokwana nhanhatu dzederere. Kune rinonzi samwenda, iro rinowanikwa musango. Derere iri rinobikwa mashizha aro, ayo anoti kwasharara kana asati abikwa.  Samwenda rakada kufanana neimwe mhando inonzi nama pakuti ese anobikwa mashizha. Musiyano unouya pamashizha acho pakuti enama akati pamhamei uye mapfupi.

Kune derere rinonyanyowanikwa munzvimbo dzakawanda uye rinorimwa muminda. Derere iri rinodyiwa zvana zvacho zvine mhodzi dzakawanda mukati. Rinogona zvakare kutemwa mashizha achibikwa. Derere iri rinonzi chipudzi kana kuti nyahanda. Kune rimwe rinonzi hambakachere apo midzi yacho inodyowa sederere. Rakada kufanana nederere rechijonga nekuti chijonga chinocherwawo midzi yacho.  Derere rechijonga idzvuku. Kunoitawo rimwe rinomera mumakura. Rinobikwa mashizha aro. Ndiro rinonzi nyenje.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey