Grade 7: Kunyora mazwi muuzhinji

19 Oct, 2018 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga

MUTAURO wedu wakapfuma zvikuru uye unodadisa kana tichitevedzera mataurirwo awo akanaka. Tinozouvhiringidza paya patinotadza kuutaura nemazvo.

Zvinyorwa zvevana muzvikoro zvinovhiringidzwa nekusatevedzera zvinodiwa muchiShona chamandorokwati. Vana vazhinji vanopedzisira vovaka mazwi avo vega kunyanya kana iri nyaya yekuisa mazwi muuzhinji.

Kutadza kuisa mazwi muuzhinji ihosha inopfukuta basa revana nekudaro tinoda kutarisa nzira dzingatevedzwa mukudzinga zvipfukuto izvi mubasa revana. Unoona vana vachinyora kuti “mandiro” kana kuti “mademo”.

Mazwi anotanga na “g” mazhinji acho anoshanduka achitora “m” asi asingashanduri dzinde reizwi. Dzinde rezwi redu ndi “gaba” zvino kana awanda anenge onzi magaba gamba rova magamba. Gudza rinoita magudza kuchitiwo gidi rinoita magidi.

Asiwo pane dzimwe nguva dzekuti “g” anoshanduka kuita “k”. Ndipo panopinda mazwi ana gavi roita makavi, gurwe roita makurwe kuchitiwo gwenzi rova makwenzi. Ndizvo zvinowanikwa pamazwi ane dzinde rinotanga na “j”, mamwe acho anosanduka asi mamwe haasanduke.

Mamwe anoshanduka achitora “ch” sokuti jira rinozoita machira, asi mamwe anongonamira “ma” padzinde sekuti joki rinozoita majoki, jeri richiitawo majeri. Kana tichinyora mazwi anotanga na “h” haawanzochinja kana oiswa muuzhinji. Handa inoramba iri handa hondohwe dzinongoramba dziri hondohwe chero dzawanda. Hembe muuzhinji i”hembe”.

“Ch” anoshanduka kuva “zv” nguva zhinji. Choto muuzhinji inoita zvoto, chuma chichiita zvuma. Tinoti chingwa chimwe chete tozoti zvingwa zvishanu, chipikiri chova zvipikiri. Mazwi anotanga na “b” mazhinji acho anoshanduka achitora “p” kusara kwemashoma. Tinoti banga rimwe chete tozoti mapanga matanhatu. Bundu rinoshanduka kuva mapundu bapu richiitawo mapapu.  Tikatarisawo pamazwi anotanga na “d” kana onyorwa muuzhinji anoshanduka nokutora “t”. Duri rinova maturi, dondo rigova matondo, dumbu richiita matumbu. Tinoti demba rimwe chete nendiro izere nematemba. Mazwi mazhinji anotanga na “k” haashanduke sekuti kamba rinoramba riri kamba, katsi inorambawo iri katsi zvisinei nekuti dzawanda sei..

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey