Grade 7: Maererano nezvidimbu zvezuva

21 Sep, 2018 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
APO Nyadenga vakasika denga nenyika, vakabva vatigonera nekutipa mucherechedzo wenguva kuti tigoziva misi nenguva yekuita zvinhu. Vakatigadzirira zvidimbu zvenguva yekushanda, yekudya, yezorora neyekurara.

Kana tichitaura nyaya dzenguva tinobvira panguva dzatinotarisa pachiringiriro kana kuti wachi kouya dzekupera kwezuva kana kwesvondo. Nguva zvakare dzinobuda patinotaura zvekufamba kwemwedzi kana kupera kwegore.

Mukati memikana yose iyoyi ndimo munobuda zvidimbu zvenguva izvo vanhu vazhinji vanonetseka nekuzvidudza kana kuzvideedza. Tinoda kutora mukana uno kuti tijekese zvose zviri maererano nezvidimbu zvezuva kubvira richibuda mupaka rivire rigobudazve.

Regai titange nekutarisa mangwanani patinomuka. Pane nguva idzo hope dzakadzama kana kuti dzedanda padzinopera kunze kwoda kuedza, kubvira nguva dzeina kusvika dzenhanhatu (4 – 6am). Ipapa pane zvidimbu zvitatu zvenguva. Kubva nenguva dzena inenge yava nguva yemashambanzou.

Mashambanzou anotisesedza kusvika panguva dzeshanu (5am) apo runyanhiriri rwunotanga. Mashambanzou iwaya ndiwo mambakwedza. Zita iri rakabva mukuonekwa kuti ndiyo nguva apo nzou dzinozvishamba. Vanahombarume chaivo ndidzo nguva dzavanobva pamba vachienda musango kunokwasha.

Runyanhiriri izita rakabva mukuti zvakaonekwa kuti ndiyo nguva inodyiwa huku nenhiriri zvakanyanya.
Kubvawo nguva dzinopera runyanhiriri rufuramhembwe rwunobva rwati pfacha. Kunze kunenge kwachena uye ndiyowo nguva inofura mhembwe. Rufuramhembwe rwunowanikwa kaviri pazuva.

Kubvawo panguva dzenhanhatu kusvika dzegumi (6am – 10am) ndidzo dzatinoti   nguva dzemadziyamushana. Madziyamushana anonzi rudziyakamwe nerimwe zita. Anenge achiri mangwanani.

Mangwanani aya anotandavara kusvika nguva dzegumi nembiri (12). Panongokwana nguva dzegumi nembiri rwava rurovanhongonya. Dzinoramba dzichitekaira nguva kusvika dzabata atinoti masikati.

Masikati zuva rinenge ropisa zvikuru riri pamusoro pedu dzamara roda kunorerekera. Nguva dzemasikati dzinotangira pane dzegumi nembiri idzodzo dzotatamuka kusvika pane dzegumi nenhatu. Padzinongojobora pagumi nenhatu, atova madeukira.

Kubva murudeukira zvichienda mberi zuva rinenge rava kunopinda muna amai varo apo vajana vemombe vanenge vonopfigira zvipfuyo zvavo. Kana zvino dzabata panguva dzeshanu rwava rukunzvikunzvi. Denga rinenge rakaita kakutsvukuruka kunyanya kumavirira.

Nguva dzinoramba dzichitekaira dakara godi panguva dzenhanhatu apo rufuramhembwe rwepiri rwunotanga.

Mhembwe dzinenge dzaswera dzakati kwandavata muzvuru nemumakwenzi dzichihwanda vavhimi dzinobva dzabuda kunofura.

Dzinozotseketuka nguva dzamara vhu panguva yenomwe. Ndiyo nguva yerubvunzavaeni. Rubvunzavaeni ndirwo rukunguvira. Ndiyo nguva inenge yangoti zuva ny’urei kwave kuti tsvaa kusviba. Kazhinji vanhu vanenge vachishanya vasinganyatsoziva kwavanoenda vanenge vobvunza pavanoda kuenda sezvo vanenge vasisaoni nekusviba kwekunze.

Kana rubvunzavaeni rwapfuura vanhu vanenge vati ware ware mudzimba vachidya zvirariro nekuita ngano. Iyi inenge yava nguva yehusiku.

Husiku ihoho hunokura kusvika hwasvika pakati paho pokuti rudhende rwevanhu rwunenge rwati rororo kurara.

Dzinozoramba dzofamba nguva dakara dzateremuka kudzokera pakare paya patambotangira pamashambanzou.

Ndiwo mamiriro akaita zvidimbu zvezuva maererano nenguva.

Share This:

Sponsored Links