Grade 7: Mhuka nemazita evana vadzo

20 Apr, 2018 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
REGAI tikochekere patakasiira muchikamu chakapfuura kuitira kuti chitima chedu chisagujunuke panzira. Takapedzisira takanangana nemazera emhuka kubvira mukubarwa kwadzo apo takatarisa mhuka dzakaita semakudo nezvipfuyo zvakaita semombe, huku, nguruve nembudzi.

Saka ndati regai tibva tangobvumburudza nyaya yemhuka iyi ibva yangosvika kumagumo. Mhuka dzototarisa iye zvino hatichadzokera kumizera yadzo asi kuti tava kubva tangobaya kuvana vacho.

Katsi kamhuka katinochengeta pamusha kuitira kupedza makonzo anoparadza goho redu. Katsi zvakare inodirwa mukurwisa nyoka dzinoda kupinda muruvanze dzichiuraya huku nezvimwe zvipfuyo.

Vamwe vanodaidza katsi kuti mangowe kana mangoi. Inobereka mwana anonzi chidharimbo. Nhiriri inoiswa mudanga
rimwe chete nekatsi nokudaro mwana wenhiriri anonziwo chidharimbo.

Dzoma kana kuti soma rinobereka mwana anoiswa mumupatsa mumwe chete nemhembwe, ngururu nenhire nekuti vana vacho vese vanonzi tsvana. Dzimwe nzvimbo vanoti hwishu kana kuti chimera vachireva tsvana.

Ngurungunda ndiyo humba kana kuti nguruve. Inobereka mwana anonzi ngurwana kana kuti humbanana.
Mwana wemvuu anonzi handachibvuwa kuchitiwo mwana wegava anonzi habwana. Garwe gono rachembera rinonzi gambinga kana kuti hwereshenga uye mwana wegarwe anonzi ganyamatope.

Honde ingwarati hono. Ngwarati inodaidzwa zvakare kunzi mharapara kana kuti bwirahupfu. Mwana wacho anonzi mhuru.
Nzirawo kana kuti nhoro pamwe chete nenondoshava dziri mudanga rimwe nekuda kwekuyamwisa mhuru dzadzinobereka. Furiramudenga kana kuti twiza, mhara nemhofu dzese dzinopindawo mumupatsa uyu nekuti vana vadzo vanonzi mhuru.
Mbizi inobereka mwana anonzi njenjeta, njiri ichibereka anonzi chijerere.

Hovo kana kuti govo inobereka mwana anonzi habwana. Mwana wetsindi anonzi tsindikwa zvichienderana nenzvimbo nekuti vamwe vanoti shindi nekudaro mwana wacho anobva anzi shindikwa.

Mwana wedatya anonzi zunguzurwa, buruuru, zeveretsi kana kuti muchimbo. Kune chisikwa chinogara mumvura chinofamba nedivi. Vamwe vanodaidza chipuka ichi kuti gakandye vamwewo vachiti gombamukoyokoyo. Gakandye rinozvara mwana anonzi jeya

Mwana wembeva kana ari mumwe chete anonzi manditeya asi kana vazowanda vanonzi uhwerere. Kamwana kerwaivhi kachechecheche kanonzi rushiye asi kangoti samhukei zvizuva zvishoma kanenge konzi mandishaya. Haka kana kuti harakabvuka imhuka inoera zvekuti haingoonekwi nhando uye ikasanganikwa nayo inoendeswa kwamambo avo vanoziva zvavanozoita nayo. Mwana wehaka haana rimwe zita asi kuti anongonzi mwana.
Kamba kana hamba inobereka mwana anonzi tikinya kana kuti mandisiya.

Tine vamwe vaiti mwana wehove anonzi musinde asi tsvagurudzo yakazoburitsa kuti handizvo asi kuti musinde itoriwo mhando yehove.

Mwana wehove anonzi chidyamaronda kana ari mumwechete kana vawanda vanenge vonzi dakataka. Mwana wegurwe ane mazita akawanda anoti chikumbwanana, chikumbufende kana kuti dumbufururu. Vana veinda vanonzi marakadzi venyuchi vachinzi mazana kana kuti jinda.

Kuti mhashu ndiko kureva kuti hwiza. Mwana wemhashu anonzi daunhau, uyani kana kuti gwatakwata. Anodaidzwa zvakare kunzi bwairani.

Dhadha, sekwe kana kuti sambira chisikwa chimwe chete chinozvara mwana anonzi dhadhana kana kuti sekwana. Vamwewo vanoti nhiyo.

Share This:

Sponsored Links