Grade 7: Mwaka inowanika mukati megore

29 Aug, 2014 - 09:08 0 Views

Kwayedza

“MOTSIRO dendere wagara mashange mbiriviza pamuromo pegange gangiridza, chindori gumirawa”
Aka karwiyo kaiimbwa makarekare apo vanhu vaiedza kuverenga.
Pavaiimba kudaro, vaiveranga minwe pokuti kana paya yasvika gumi paibva pauchirwa. Zvinobva zvadudza kuti nyaya yekuverenga haina kubvira manje asi kuti yakatanga pasi chigare.

Ndizvo zvimwechete nekududza nguva, hazvina kutanga nhasi uno asi kungoti mazuva ano zvanyanyojeka nekuti tine zvipimo zvenguva zvakatarwa, zvingava kupera kwemwedzi, kwegore kana kwemwaka.

Chikamu chapfuura takatarisa mazita emwedzi zvichienderana nezvaiitika munguva idzodzo. Kubva mumwedzi iyoyo gumi nemiviri ndimo makazobudawo mwaka yegore.

Nekudaro vekare vaive nehutsanzi, vakakwanisa kukamura mwedzi yegore kuiisa mumwaka mina inoti Zhizha, Masutso (Matsutso), Chando neChirimo. Kuburikidza nemabasa anoitwa uye mamiriro anenge akaita kunze, mwaka iyi inonyatsopendera gore.

Mwaka weZhizha (Zhezha) ndiwozve Maenza. Mwaka iwoyu ndiwo unoputira mwedzi mitatu inoti Mbudzi, Zvita naNdira. Mvura inoturika munaMbudzi. Mvura yemhuruka unozoteverwa nemvura zhinji inoita kuti vanhu varime.

Huswa nembesa zvinomera nokudungira. Ndiyo nguva zvakare inowanda tupuka setwunonanaira. Shiri dzinotevedza kudziya nekunaya kwemvura semashura murove dzinouyawo dzichibva kure.

Mumwaka iwoyo ndimo munopembererwa Kisimusi neGoredzva, vana vechikoro vari pazororo. Ndiyo nguva inoteyewa matuwu munzizi vanhu vachibata hove.

Tichibva muMaenza tinopinda muMatsutso umo kudya kunenge kwava saraude. Uyu mwaka unobata Kukadzi, Kurume naKubvumbi. Chisi chiya chinoera maenza kana kuti muZhizha hachichaera. Ndiyo nguva yekucheka zviyo, mupunga, mhunga. nemapfunde. Nzungu dzinenge dzakohwewa nyimo dzichiumburwa. Ndiwo mwaka wekuvaka tsapi nekuruka tswanda nemasengende. Vanhu vanonomora huchi nekubata shiri neutatarimbo. Vamwewo vana hombarume vanobuda mashavi mukubaya mhuka.

Mwaka unotetwa nechembere nepwere ndiwo weChando. Uyu unobata Chivabvu, Chikumi naChikunguru.

Mumwaka uyu munozivikanwa nechando chinorova zvekuomesa mashizha emiti nezvirimwa. Varimi vanoziva kuti uyu hausi mwaka wakanaka kuti varime mapuno (matomatisi) nekuti anorohwa nechando. Mumwaka iwoyu munonaya mvura inonzi yemadziurachando uye varimi vanenge vopedzisa kucheka zviyo. Vavhimi vanoteya mhuka nemisungo.

Chirimo ndiwo mwaka unopendendera gore. Mwaka unofarirwa netsimbe nekuti mabasa anorwadza anenge ave mashoma. Nyamavhuvhu, Gunyana naGumiguru ndiyo mwedzi iri mumwaka uyu. Vanhu vanopedzisa kupura zvirimwa nekuzvirongedza mumatura. Mvura iya yegukurahundi inonaya. Ndiyo nguva inorohwa makuva uye kutambwa ngoma dzamafaro. MuChirimo ndipo vanhu vanowana nguva yekushanyira hama neshamwari.

Share This:

Sponsored Links