Grade 7: Ramba uchiita gadziriro yebvunzo

05 Oct, 2018 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga

KANA Zhizha raswedera, miti inoita pfumvudza kuyeuchidza vanhu kuti nguva yava kuda kukwana yekuvhurika kwedenga. Vakangwara vanobva vafanorodza miromo yemagejo nemapaza kuitira kuti panongonaya mvura yemunhuruka, kungobata zvipani zvemombe vorima nekudyara mbeu.

Nguva yepfumvudza yakafanana nenguva yatanga tiri kuvana vechikoro vachibva kupedza zororo. Ndinoreva ivava vari kunyora bvunzo dzegore rechinomwe.

Masvondo mana iwaya avakange vachimirira nekugadzirira bvunzo apera zvino vachiti tindindi mariri. Vari mukati maro bvunzo kutaura kuno zvekuti kune vaya vakagadzirira, kwangova kurima nekukavira vachimhanya. Kunewo vaya vaiswaradza vamwe vachishanda, zvava kuvaremera.

Kunyorwa kuri kuitwa bvunzo hakurevi kuti nguva yekuita dzokororo hapachina. Kune vamwe vanoti mombe haikorere pamariketi vanobva vati kubuda mubvunzo vobva vati muhweshe tende dakara votodeedzerwa kudya kana kuti vavate.

Tinoti ayewa, iyo mombe iri pamariketi ikadya huswa ikanwa mvura huremu hwayo hunotowedzwera wani. Bhuku ngaribatwe kugadzirira bvunzo rinenge richinyorwa mangwana. Hapashaikwi chimwe chete kana zviviri zvinouya mubvunzo zvaunenge wakaverenga zuro kana husiku.

Rega kufananidza nguwo nedzaTarubva uchiti vananhingi zvavanotamba rega nditambewo nekuti vamwe vanotandara vawaridza. Hauzozivi zvavanoita iwe warara.

Ndinoti patava nebvunzo iye zvino patitindivadza zvekuti hapachisina kana chekuroverwa nehana. Kakuvhunduka kangangova kakaitika mazuva ekutanga ngakachipera kuitira kuti kane paine pasina kufamba zvakanaka pabva pagadziriswa nekuti mukana uripo wekugadzirisa. Zvekare, mapepa aya anonyorwa ari maviri maviri.

Kana pasina mhosho dzakaitwa zvoreva kuti tava kutowedzera kubva pane zvatakatanga tichiita. Hatingokoshesai kabhuku kaya katainyora zvakakosha zvinodiwa munguva yebvunzo uye kucherechedza chenjedzo dzevadzidzisi.

Tinofanirwa kuchenjera pakusarudza mibvunzo yatiine ruzivo rwakakwana nayo kwete kunakidzwa nekupindura mubvunzo une chaunogona chimwe chete asi mimwe yese inotevera usingaigone. Ngatizvipei nguva yekuverenga mibvunzo yose iri papepa tozosarudza yatinokwanisa kupindura zvinogutsa mukwenyi.

Mukusarudza imomo ngatizivei kuti mubvunzo wega une zvibodzwa kumberi nekudaro zvibobzwa izvozvo zvinofanirwa kutiratidza hudzamu hwekupindura mubvunzo. Kana paine zvibobzwa zvitatu pamubvunzo mumwe chete zvinoreva kuti mumhinduro yedu tinofanirwa kuburitsa pfungwa nhatu dzakasiyana. Kanawo pamberi pemubvunzo paine chibodzwa chimwe chete tobva tangopawo pfungwa imwe chete.

Izvi tinoitira kuti unhonge zvibodzwa zvese zvinenge zvakapiwa kuti goho rako risimbe. Zvipe zvakare nguva yekudzokorodza basa rako rawanyora uchigadzirisa panenge pasaririra. Kunzi ipa pfungwa dzako hazvirevi kuti ingoguurira dondo uchingoenda asi kuti nanga pamwongo chaipo wobva watsigira pfungwa yako napapfupi.

Kana uchinge wapinda mukunyorwa kwemapepa ayo akapiwa mhinduro (multiple choice) zvinoda zvakare kudzikama uchizvipa nguva yekuverenga mhinduro dzose dzakapiwa. Ukaita bapu unogona kurova dondo usina kubata zviri kudiwa nemubvunzo kunyanya kumasvomhu. Kumasvomhu vanopa mhinduro dzinosanganisira mhinduro inoburitswa nevaya vanenge vatadza kuhwerengedza zvakanaka.

Nekuti waiona iripo hazvirevi kuti ndiyo inokodzera kunze kwekunge wagona kuhwerengedza svomhu iyoyo nemazvo.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>