GRADE 7: Tsanangudzo dzetsumo

31 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
NYAYA yenhava inobvira kure. Zvinobvira kumarukirwo ayo kusvika pamachengeterwo. Nhava haingorukwa nechero rwodzi kana gavi. Panotsvagwa makavi omupfuti, ayo anotsokotwa kana kutswiwa zvakareruka muduri mushure mekunge asvuurwa kubva pamuti. Makavi aya anosiiwa kusvika atsvuka uye apfava. Panozorukwa inonzi ngunde ine mhande dzakasiyana.

Nhava iyoyo haizi nyore kusakara uye ndimo maipakirwa mbuva nevavhimi kana varendo pasichigare.

Iyoyi ndiyo nhava yatinofananidza nemagwaro edu atinonyora zvatichada kugara tichirava (note book). Munhava umu tinoda muzare nezvese zvingaita kuti chiShona chedu chikure uye chichengetedzeke. Muchikamu chino tinoenderera mberi nekutarisa tsumo dzinoreva zvakafanana. Tinenge tichizopa tsanangudzo yadzo zvekare kuti tigogona kuvaka zvirevo nadzo.

Chikomba chinovirima chiri kwacho. Tsumo iyi inoenderana neiya inoti simba rehove riri mumvura. Izvi zvinoreva kuti munhu ane simba rekutaura zvaanoda kana ari pamusha pake. Anotogona kukurwisa nekuti simba racho anenge ainaro achinyinda nezvake zviye zvakamukomberedza.

Ichokwadi kuti mviro mviro dzemanza mapfeka. Ndizvo zvimwe chete nekuti mharadzano dzakabva munzira. Tsumo idzi dzinoreva kuti zvinhu zvese kune kwazvinotangira. Chinhu chose chinozoenda mberi chine mavambo acho.

Kune vanhu vane hundini ndini, vaya vanoti havatangike.

Hapana icho vanoti vanokundikana. Nerimwe remazuva anozowanikwa achikundwa nevamwewo muzvinhu zvaaifunga kuti iye ndiye nyanzi yazvo.

Vagoni havo ndipo unonzwa vachiti chimedza matore akazodzipwa neganda remhuru. Vanogona zvakare kuti gone ana gone wakewo.

Yatsika musheche yanwa zvakafana netsumo inoti wadziya moto wembavha watovawo mbavha. Kana uine mumwe wako anoita zvaanoita, zvingava zvakashata kana kunaka, unofananidzwa naiye.

Dzvinyu kuzambira zuva huona mwena. Itsumo inofambidzana neinoti kashindi/katsindi kuchema huona bako.

Zvinoreva izvo kuti ukaona munhu kana chimwe chinhu ari kuziva kuti anopona kana kuyambuka nepakati. Haangoite chete chinhu chinogona kumupinza mumatambudziko aasingazive kuti anobuda sei.

Zvirokwazvo zvinamashura kuona dede richiwa mumuti. Ndizvo zvinofanana nekuti charova sei chando chakwidza hamba mumuti. Izvi zvinotaurwa kana paya munhu aita chinhu chaasati amboita. Chinova chishamiso kuvanhu kuti sei munhu uyu amboita zvakadai.

Sango rinopa waneta itsumo inoreva zvimwe chete neyekuti apunyaira haashayi misodzi. Zvinoreva kuti munhu akashingirira kuita chimwe chinhu anototi awane zvimwe zvinhu zvinobudirira.

Kune vamwe vanhu vanoda kushora chinhu chavanga vainacho nekuti vavakuona chimwe chakanaka kupfuura chaanga anacho.

Ndipo panonzi kuita kweabaya kuti chiropa hachiseveswi sadza. Tsumo iyoyo inoenderana neinoti yadya muunga nzou kupinda mushanje.

Chokwadi hachifushirwe. Tsumo iyi inoreva kuti hapana mavanzirwo anoitwa chokwadi nekuti chero zvodini chinozobuda chete. Inoenderana netsumo inoti rina manyanga hariputirwi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey