Grade 7: Tsika dzavatema maererano nerufu

01 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
GUDZA ratiri kuedza kuwaranyura rakakurisa zvekuti kuti tigone kubva tariti waranyu rose, rinorema. Nekudaro tinobata pano neapo tichiedza kuti zviringane. Regai timbobata nzvakanangana nerufu. Nyaya dzekuvigwa kwevafi dzine tsika dzinotevedzerwa dzakasiyana zvichienderana nenzvimbo kana kuti matunhu.

Kazhinji tinoziva kuti munhu kana ashaya, zvinogotora mazuva maviri kana matatu obva azovigwa kana kuradzikwa. Uyu anenge ari munhu nje zvake asina chinzvimbo mudunhu imomo.

Asi kana ari mambo wedunhu, hazviite kuti aziviviswe kuruzhinji kuti ashaya zuva iroro. Shoko rerufu rwamambo rinogona kutora kana mwedzi risati raziviswa.

Apa vatana vemufi nevamwe vemudzinde remba yehumambo vanenge vari mushishi yekutevedza tsika dzinosanganisira kuomeswa kwemutumbi. Munguva iyoyi chero vana vadiki vemumba imomo havatomboziviswe.

Ndiyo nguva zvekare inenge ichikumikidzwa mutumbi kumidzimu yavo. Panguva iyoyi zvakare muninga maanenge achanovigwa munofanirwa kucheneswa nekushonongorwa kuti mufi agozogona kugara nevamwe vashakabvu zvakanaka. Kana zvose izvi

zvapera, mhere yochiridzwa hayo. Madzimambo anovigwa muninga kana kuti mugwindingwi.
Zvinotevera iye zvino zvinoitwa kwakawanda kune chero mufi hake.

Mumaruwa varwere vanopepwa vari muzvipatara kana mudzimba asi pane pamwe panokomba urwere zvekuti vanhu vanenge vongomirira zuva rekuti nyama nemweya zvichipesana.
Murwere uyu anenge opeperwa panzvimbo yaanovakirwa unonzi musasa.

Kana zvino nyama nemweya zvapesana, kune mari inobviswa kusuma vana tezvarwa nezvekufa kwemwana wavo iyo inoiswa pashizha inonzi mhere.

Kana vanhu vanzwa shoko rerufu, vanokotonoka nouwandu hwavo vachienda kunobata maoko.
Kubata maoko itsika yevatema apo veruzhinji vanokumbura vawirwa nedambudziko vachivanyaradza nemashoko.
Kana maoko abatwa, panobva pazadziswa nekubvisa mari inonzi yechema yekubatsira parufu ipapo.

Mufi anounganirwa nehama neshamwari, nokudaro panodiwa husavi hwakawanda.
Panobva pauraiwa mombe inonzi yenhevedzo.

Kune dzimwe nzvimbo panhevedzo iyoyo panobviswa chinhengo chenyama chinopisirwa mufi utsi huchipfungaira mudenga iyo inodaidzwa kuti pfungaidzo.

Munhu mukuru anovigwa muguva kana kuti murinda. Vamwe vanodaidza guva kuti bwiro.
Vana vadiki vanovigwa pedyo nerwizi kana kunzimbo ine hunyoro, pasi pemuti semukute kana mutsamvi.
Kana ari mwana akazvarwa akafa kana kuti gavamwedzi, anonovigwa panzvimbo ine mahapa murwizi.

Kana munhu ashaya, baba vake vanonzi vatare pachacherwa guva remwana wavo. Kakomba ikako kanotanga kucherwa nehama yemufi sababa pachaenda guva rake kanonzi rukarwa.
Chitunha kana chichienda kunovigwa chinotakurirwa padara kana kuti pabanda.

Kana munhu ashaya, vohukama vane tsika yavanoita yekutsvaga kuti chii chakadya mudikani wavo, nokudaro vanoenda kun’anga kunobvunza.

Mashopeshope iwaya ekutsvaga chakauraya mufi anonzi kurova gata.
Itsika yavatema yekuti havapesane nemushakabvu zvachose.

Nekudaro kune twakawanda twaanoramba achiitirwa sekurova guva. Kurova guva kubika hwahwa kana kuti doro rekudzosa mufi mumusha kuzochengeta vapenyu. Vamwewo vanobika doro rendongamabwe kana kuti rehonye iro rinobokirwa kunyaradza vakafirwa. Vamwewo vanoiti nyaradzo.

Kana guva ragadzirwa, kunozobikwa doro regunere kana kuti renyota.

Share This:

Sponsored Links