GRADE 7: Tsumo dzakadzama

05 Dec, 2014 - 09:12 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
NDATI ndivhare chirongwa chetsumo naidzo dzakabata chiShona chedu dzinoti dzikataurwa vazhinji tinokanuka nekuti tinenge tisingadzizive. Kune vanodziziva tinenge totsinhira nekugutsurira misoro kuri kupembera hundyaringo nehunyanzvi hwekuziva mutauro.

Chokwadi ukasvika panosvisvinwa chiShona chamandorokwati unonakirwa. Hazvingodi hohonwa dzechembere kuti dzigogona kutaura chiShona kwete. Zvinongoda chido nekudzidza zvekuti mherepwere chaidzo dzinogona kuchisvisvina vanhu vakakanhama.

Chikamu chino ndinoda chimene chamadima kupakurirwa nenzwara (nzara) mugwaku uripo. Iyi tsumo inoshandiswa kuratidza kupimwa kunoitwa vanhu mumagariro. Ruzhinji runogona kunge ruchibatwa zvakada kufanana munzvimbo asi kune vamwe vanhu vane rushambwa vanodadirwa nevamwe sokunge vasiri vanhu vakafanana nevamwe.

Kureva chinanga mangwana chinozokurevawo. Ndiko kududza nekuyambira kuti tisarera chakaipa tochichengeta muditi kana muhana dzedu nekuti ukachengeta chakaipa mangwana chinofuma chokuparadza iwe muridzi. Zviri nani ufumuke asi wadudza chivi.

Kana munhu ari panzvimbo kana pamusha pake anozvirova dundundu nekuzvitutumadza chero zvazvo ari munhu wenhando. Anonyinda nekuti ari pake. Ndipo panonzi, chirema chiri pacho kucherera doro.

Kazhinji takawana kunyanya zviri zvekudya tinobva tadyira kufa. Hatizofungi kuti dumbu iroro richaserera zvekuti tinodazve kudya mangwana. Ndiko kusaka tichipiwa yambiro yekuti kudya tadya hedu asi hurindo ndehwedenga. Zvinoreva kungwarira zvinhu zvinogutsa dumbu nguva iyoyo pasina kufunga nezvamangwana.

Mukurarama tinopana mazera zvichienderana nekuzvarwa kwedu. Vamwe vanhu vakuru kwatiri uye vamwe vadiki. Mukusiyana kwemazera umu munobuda kuitwa kwezvinhu kwakasiya. Kune zvinhu zvinotarisirwa kuitwa nevanhu vadiki kuchiitawo zvimwe zvinoitarisirwa kuitwa navakuru. Kana tava kuita zvinhu zvavakuru chete tinoti ngezvehurura doko dzinonyika miswe.

Kana pakaitika chinhu chinoshamisa chisingawanzoitika pamunhu vanhu vanoshamisika voti zvinova ngegore mukonde kufa dziso.

Kari pako ikonje rinofunda nechirimo. Iyi itsumo inoshingisa vanhu munguva yematambudziko. Ingava nhamo inosvikira munhu ari pamusha pake, anogona kuzvinunura nekuikunda nekuti anenge aine zvinomubatsira semunhu anenage ari panzanga yake.

Vanhu vanosiyana mukuita kwavo. Vamwe havataure taure, vamwewo vanogara vachingopaumba. Saka kana vanhu vachikuziva semunhu anongopopota havafanirwi kuvhundutswa nemaitiro ako. Vanokuziva vanoti vakakuona watanga hunhu hwako voti ngezvemo zvimbutu zvamaonde.

Dzimwe nguva vana vaduku vanogona kuita chinhu chinenge chatadzwa navakuru. Vamwe vanhu vanogona kunzi vagonzi vane pfungwa diki kana shoma asi vazowanikwa vachibudirira kuita chinhu chavanga vasingafungidzirwi kuti vanobudirira. Kana zvadai vakuru vanoti, urombo hwematede kunaiwa nemvura makurwe ari mumhatso.

Kushaya murimo kutsengera matuwo embwa. Zvinoreva kuti kuparadza nguva nemasimba pachinhu chisingabatsire.

Share This:

Sponsored Links