Grade 7: Yava nguva yekugadzirira

16 Nov, 2018 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga

NGUVA yatiri ino takamirira kuuya kwegoho ratakapedza gore rose tichigadzirira. Hapana ari kuziva zvichabuda mubvunzo idzi sezvo vanamazvikokota vachiri mushishi kumaka mapepa asi tinotarisira kuti panonoperera mwedzi waZvita, tinenge toziva zvatakakohwa.

Izvi hazvirevi kuti tava kungogara asi kuti ndiyo nguva yekufanogadzirira kuzoenda kuchikoro chepamusoro. Gadziriro iyi haisi yekutenga zvipfeko zvekuchikoro nekuti hatisati toziva kuchazowira tsvimbo kana dohwe asi kuti tine twumwe twunhu twatinogona kufanoita.

Chekutanga ndechekuti tinofanirwa kunge tiine zvikoro zvatinoshuvira kuzoenda kana goho rauya.

Mazuva ano nzvimbo dzechikoro hadzichaitwa zvekutsvagwa netsamba dzekunyora asi kuti zvava kuitwa padandemutande nekudaro munhu anofanirwa kunge aiine ruzivo rwakakwana rwechikoro chaanoda. Ruzivo urwu rwunoda munhu anoita tsvagurudzo nezvechikoro ichocho kuti uwane kero yacho nenhamba dzekushandisa kupinda mudandemutande ravo.

Pasina ruzivo irworwu zvinonetsa kuti ukwanise kutsvaga nzvimbo kuchikoro chaunoda. Izvi zvinoda kuitwa nguva iripo nekuti nzvimbo dzinoshaikwa zvachose wozopedzisira waenda pachikoro chausingade.

Tinosanganiswa kana kupesaniswa nezvitendero zvatinotevedzera nokudaro mwana nemubereki vanofanirwa kugara vatsvaga ruzivo pamusoro pechitendero chinodiwa pachikoro chavari kuda. Zvimwe zvikoro zvinongoda vana vanopinda muzvitendero zvinoitwa pachikoro ipapo.

Pane zvinodiwa kuti mwana agoratidza kuti anodavira kuchitendero ichocho nokudaro kana mapepa iwayo asina kumira zvakanaka, ino ndiyo nguva yacho

Share This:

Sponsored Links