GRADE 7: Zita remunhu nezvaanoita

20 Mar, 2015 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
MUKUEDZA kubika tsambakodzi isiri mbwizhu tinopota tichibata kose kose kwete kuswera tangoti nanga-nanga nechinhu chimwe chete. Tinomboti kunyimo tombotiwo kunzungu tichingozvisanganisa kuti tibike muto wakakora, unotyora mugoti kana wopakurwa.

Mukubva kwedu kunzungu tichienda kunyimo ndiko kubuda murondedzero dzatange tichipisana nadzo kuenda kumazita anopihwa vanhu maererano nekuita kana kubata kwavo. Apa tiri kuedza kuvandudza hwaro hwedu huya hunopurira dunhu rinofambwa navaya vanogadzira bvunzo.

Ngatiyeuchidzanei kuti bhuku redu riya ratinoti tinokanda zvose zvatadzidza (note book) rinofanirwa kuchinyatsovhurwa rishande kutitakurira ruzivo rwatichazoshandisa.

Vanhu kazhinji vanozivikanwa namabasa avo sekuti mudzidzisi anodzidzisa vana zvamabhuku nemitambo pachikoro.

Kunewo zvimabasa zvakavanzika zvinoitwa navashoma asi zvakakosha. Naizvozvo izvi ndizvo zvatiri kuda kupishana nazvo. Sekuti n’anga yechikadzi inonzi nyahana kune dzimwe nzvimbo zvichinzi nyahanda.

Ngatirangarirei kuti wose anobatsira n’anga mubasa rayo rekushopera nekurapa anonzi makumbi.

Mukadzi akaroorwa anotarisirwa kuita vana kuti rudzi rukure. Kana mukadzi uyu akatadza kuita mwana anonzi tsore kana kuti han’a. Kune dzimwe nzvimbo vose mukadzi nemurume vasingabereki vanonzi ngomwa.

Hatisi tose takangwara mukurarama. Kune vamwe vanhurume vanongoritaira vachiita kunge marema kana mautsautsa.

Vanhu ivava vanodaidzwa kuti zvituta kana kuti mbwatama. Vanopihwa zvakare zita rekunzi zvipukupuku kana kuti mbarara.

Mukuwasha anotanga kuroora mumusha anonzi nhagaruvanze.

Nhangaruvanze rinoshanda zvakare kumuroora akatanga kuroorwa mumusha.

Kana vanasikana vachikura mumhuri kunotarisirwa kuroorwa kana kuwanikwa kwavo. Zvino kana musikana akurisa kupfuura zera raanofairwa kuwanikwa tinoti ava kunzi tsikombi kana kuti chipingemusha.

Kune vamwe vakadzi vanoita gumbo mumba gumbo kunze kutozosvika vosiya murume wavo vachiendazve kune mumwe murume. Vakadzi vakadai vanozi tsvingudzi.

Kana vakadzi vari pabarika pane mumwe anenge achinyanyodiwa nemurume kupfuura rumwe rudhende rwose.

Mukadzi iyeye anonzi nyachide kana kuti svovi.

Murumewo anogona kukurisa kupfuura zera rekuroora. Murume iyeyo anodaidzwa kunzi tsvimborume kana kuti hombe.

Kana achigara oga nekuti akafirwa nemukadzi anonzi pfunda. Uya murume asina kubvira aroora anonzi humburukwa.

Kuna varume vane mhumhu mukuru uye vaine simba rakawandisa.

Varume ava vanodaidzwa kunzi han’amakan’a kana kuti hwitakwi.

Vanodaidzwa zvakare kunzi hamburamakaka kana kuti mbuswe.

Kana yava chembere kana harahwa yakurisa inonzi hohonwa.

Vamwe vanhu vanofarira tsiva zvakanyanya zvekuti nguva neguva vanongokonzeresa kuti vanhu vadamburane zvamatsenga nzungu. Vanhu ivava vanonzi mhesvi kana kuti rwise. Kunewo vakadzi vanokonzeresa kuti varume vavarwire. Ndidzo dzinonzi mhesvamikono kana kuti rwise.

Munhu ane misikanzwa asingatsiurika kana kudzoreka anonzi tsvuuramuromo. Munhu anogara achingorwara rwara anonzi ndonda kana kuti macharangwanda. Munhu anosvikirwa uye achinaisa mvura anonzi nyusa kana kuti svikiro.

Share This:

Sponsored Links