Uncategorized

Gudo pfacha parufu#

17 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Gudo pfacha parufu#

Kwayedza

Andile Tshuma
VANHU vaive parufu kuDonnington, kuBulawayo, svondo rapera vakashamiswa zvikuru apo gudo rakangoerekana rasvika pane imwe kambani inoviga vafi, zvikaita kuti zvirongwa panhamo iyi zvimbomiswa.

Vamwe vevakaona mashura aya vanoti vanhu vaive parufu vakatiza apo gudo iri rakatanga kukanyaira richitenderera panzvimbo iyi.

Gudo iri rinonzi rakazokwira pamusoro pemba dzepakambani iyi mumugwagwa waGoderich Avenue.

Mumwe mushandi wekambani inoviga vafi iyi anoti vakave nenguva yakaoma apo vakaedza kudzikamisa vanhu vaivepo.

“Pakaita kusagadzikana kukuru apo vanhu vaida kusiya zvirongwa zvekuviga mufi. Vamwe vakatanga kupomerana nyaya dzehuroyi asi takakwanisa kuvadzikamisa mushure mekunge tadzinga gudo iri.

“Gudo iri rakazotiza richibva rakwira nepamusoro pemba uye takatadza kuribata,” anodaro.

Mutauriri webazi rinoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka dzesangano, reZimbabwe Parks and Wildlife Management (Zimparks), VaTinashe Farawo, vanoti mahofisi avo haasati atambira mashoko ane chekuita nenyaya yegudo iri.

“Hatingopfura zvekuuraya nje mhuka dzesango nekuti tinokoshesa upenyu.

‘‘Vanhu vanokurudzirwa kuti vatizivise kana paine mhuka dzesangano dzinenge dzaonekwa munzvimbo dzavanogara.

“Zvisinei, tinopfura zvekuuraya mhuka kana yave nenjodzi kuupenyu hwevanhu nekuti upenyu hwemunhu hwakakosha. Hatifunge kuti gudo iri rinogona kunge rakabva kuVictoria Falls, kunyangwe zvazvo zvichigona kudaro,” vanodaro VaFarawo.

Gudo iri rinonzi rakazoshungurudza zvakare vagari vekuNketa 7 neTshabalala Extension svondo rapera uye rakazoonekwa zvakare muguta reBulawayo nomusi weMuvhuro wadarika.

Mumwe wevanotengesa zvinhu muguta iri anoti akashamiswa apo gudo iri rakamhanya richienda kwaari ndokutora mabanana pamusika paaitengesera.

“Gudo iri rakangouya ndokutora chitsumbu chemabanana pamusika wangu richibva ratizira muchisango chiri pedyo uye vanhu vakafunga kuti ndainyepa pandakati ndaona gudo,” anodaro mudzimai uyo asina kuda kuburitswa zita rake.

Mercy Mavima wechechi yeVanamati Vechishanu Apostolic Sect avo vanonamatira mugomo riri pedyo neDonnington, munzvimbo imwe chete nekambani inoviga vafi iyi, anoti vakavhiringidzwawo negudo iri apo vaive pamunamato wemanheru pamasowe avo.

Madzibaba Thomas Gumbo vechechi imwe chete iyi vanoti zvichida kuonekwa kwegudo iri chiratidzo chezvinhu zvakaipa zvichaitika nekufamba kwenguva.

“Zvinhu zvakadaro hazvingotika, zvinogona kusareva chinhu kwatiri tose, asi gudo iri rinogona kunge richizivisa zvichaitika kune mumwe munhu. Zvinoera kuona gudo munzvimbo yakawanda vanhu kudaro,” vanodaro.

Vamwe vari kutaura nezvenyaya iyi vanoti gudo iri rinofungidzirwa kuti rakakwira chitima chaibva kuVictoria Falls pasina akariona nekuda kwekuti rakange risingavhunduke vanhu zvachose.

“Gudo iri rinoratidza kuti rakajairirana nevanhu, saka hatifungi kuti rinogara musango.

‘‘Tinofunga kuti rakauya nechitima uye rakajairira kutamba nevashanyi. Maitiro aro kana pakudarika mugwagwa anoratidza kuti rakajairirana nevanhu,” anodaro Nonhlanhla Nkomo, uyo anotengesa pamusika kuNketa 7.

Mumwe murapi wechivanhu wekuMakokoba – uyo akati anonzi Ncube – anoti zvinogona kuitika kuti gudo iri rakange ratumirwa mumwe munhu aive parufu urwu.

“Tiri vanhu vatema uye maitiro edu echivanhu anogona kuti zvakadaro zviitike. Kune vamwe vanhu vane zvipo zvekutumira mhuka kwavanenge vachida kuti dzivashandire zvavanoda.

“Hatikwanise kuzviramba kuti gudo iri rine zvarinoreva kuti rinouya parufu. Zvisinei, zvinogonawo kuitika kuti igudo rakange rarasika raingofambawo zvaro,” vanodaro VaNcube.

Share This:

Sponsored Links