‘Gutsikanai nezvamunazvo’

23 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
‘Gutsikanai nezvamunazvo’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUIMBI wemusambo weSungura ari kusimukira anobva kwaMambo Ndanga, kuZaka anoti zvakakosha kuti vanhu vagutsikane nezvinhu zvavanenge vainazvo muhupeyu kwete kuita ruchiva nezvevamwe.

Justin Murega (29) — uyo anoimba nechikwata chake cheZaka Stars – anotaura mashoko aya mushure mekuburitsa dambarefu rake idzva rechipiri rinonzi Nyasha.

Dambarefu iri rine nziyo dzinoti Nyasha, Vatsigiri, Mudiwa Joramu, Huyai Kwandiri — iyo akaimba naBaba Harare — Prayer Warrior naZvigume nhasi.

“Ndiri kutevedza matsimba ababa vangu VaBenard Murega avo vaive muimbi mukuru zvisinei nekuti havana havo kuzokwanisa kutsikisa madambarefu avo. Mukambo kanonzi Nyasha ndinoda kusimbaradza vateereri kuti vave vanhu vanogutsikana nezvavanowana nekuti zvimwe zvishoma zvavainazvo kune vamwe vanenge vachitozvishuwirawo. Sokuti mumwe munhu anochema kuti haana bhutsu dzakanaka nyambisirwa kune mumwe akatozvarwa asina kana iyo tsoka yacho,” anodaro.

Anoti mukambo kanonzi Vatsigiri ari kuchema nekushaikwa kwerutsigiro rwakasimba, zvikuru kuvaimbi vemunyika muno izvo zvinoita kuti vazhinji vacho vawanikwe vachifira mafufu segonzo.

Muna Zvigume Nhasi, Murega anoti anenge achitsanangura miedzo yaakasangana nayo paakanoita shoo kumusha kwake panzvimbo yeGumbo Growth Point apo mumwe munhu weukama akada kuvhiringa shoo yake.

“Pane mukomana wemuraini akabhadhara kupinda mushoo kwave kuzokokera dzimwe hama dzake kuti dzipinde mahara achiti munhu ari kuridza tinomuziva saka pakamuka hondo nevachengetedzi venzvimbo. Saka rimwe zuva ndakagara ndipo pandakafunga kuti dhu-u kuti hunhu hwakadai hunofanira kufumurwa nerwumbo ndikati ‘Zvigume Nhasi’ kureva kuti hazvifaniri kudzokororwa nekuti mwana wamambo muranda kumwe nokudaro vekwangu vanofanira kunditsigirawo chipo changu,” anodaro.

Muchinda uyu akabura rimwe dambarefu rinonzi Tirera Yendege mugore ra2014.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey