Uncategorized

Guva haringofukunurwa: Mapurisa

21 Nov, 2014 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu
PASI pemutemo wenyika yeZimbabwe, kana mushakabvu achinge avigwa, guva rake haringofukunurwa kunyangwe pakava nezvikonzero asi kuti panotofanirwa kutangwa patsvagwa mvumo kubva kuHurumende. Mutauriri wemapurisa munyika, Chief Superintendent Paul Nyathi, vanoti kufukunurwa kwemutumbi unenge wambovigwa kunosiyana, zvichienderana nezvinodiwa uye zvinoitwa bedzi kana paine mhosva dziri kuferefetwa kana zvimwewo.

“Mitumbi yevanhu kana ichinge yavigwa kuti izofukunurwa kunotonyorerwa kuHurumende kuburikidza nebazi rinoona nezvinoitika mukati menyika, koonekwa kuti zvinokodzera here kana kuti kwete. Imwe nguva mitumbi inofukunurwa kana paita mhosva dzinenge dzichiferefetwa kuburikidza nekufa kunenge kwakaita vanhu vacho,” vakadaro.

Izvi zvinotevera nyaya yakaitika kwaSabhuku Chikukutu, kwaNenguwo kuMarondera, yemurume akafa ndokuzovigwa nepiro yaive neUS$450, izvo zvakaitwa nekusaziva.

Mhuri iyi ir kuda kufukunura guva racho kuti vatore mari iyi asi izvi zviri kurambwa nemapurisa pamwe naShe Nenguwo. N’anga Sekuru Patrick Kapfunde (46) vekuMt Darwin vanoti pachivanhu kufukunurwa kweguva kunotoda masvikiro nen’anga dzichitungamirira kuti vanhu vasatorane nemweya yevafi.

“Hazvingoitwa, kunotova nemishonga inotanga yamwaiwa vehukama kuti vasateverwe nemweya yevafi nekuti mukatadza kudaro panongona kufiwa muchingopedza kuita basa iri,” vakadaro.

Vanoti kuviga munhu nemari yake zvinogona zvakare kuitwa senzira yekutsipika mweya wemushakabvu kuti usadzokere vapenyu sevaya vanenge vakamukanganisira.

“Vamwe vanokanda mari mugomba senzira yekushereketa kuti munhu asapfuke asi patsika yechivanhu hazvibvumidzwe kuti munhu avigwe nemari,” vakadaro Sekuru Kapfunde.

VaItai Bakasa, avo vanove mutevedzeri wemukuru wesangano redzin’anga nemaporofita, reZimbabwe National Practitioners Association, vanoti pachivanhu hakuna chitunha chinovigwa nemari.

“Mari haifanirwe kushandiswa pakuviga vafi, inosevenza chete pakutandidzira kana paine zviri kunetsa zvawanikwa nevehukama asi zvakare mweya wehama hautandidzirwe, unogadzirwa kuti ugare mamuri zvakanaka,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey