Uncategorized

Guva idzva rakafukunurwa

22 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Guva idzva rakafukunurwa

Kwayedza

. . . chitunha chikatorwa . . . pakaonekwa zitsoka ‘. . . aya mabasa evaroyi’

VANHU vainge vachangobva kuviga mutumbi wehama yavo mubhuku raMurove, kwaChinhamora, kuDomboshava, vakaona chishamiso apo vakafumira kunomema guva idzva iri — ndokuwana rakafukunurwa, panzvimbo iyi paine mazikomba mana kumativi eguva uye kumusoro kwaro kwakatsikwa nezitsoka remunhu.

Setsika yechivanhu yeko, kana munhu avigwa, rungwanani rwezuva rinotevera racho vanhu — kunyanya hama dzepedyo — vanofumira kumarinda kunomema guva ravanenge vakaviga mushakabvu.

Apa ndipo pakasanganikwa nemashura nemhuri yekuDomboshava iyi. Vaenda kumarinda uku, vakagashirwa nemazikomba akasiya akacherwa paguva rehama yavo.

Pakuongorora zvainge zvaitika, ndipo pavakaona zitsoka rakakurisa rainge rakatsika paguva iri.

Mazikomba akasiya akacherwa aya anonzi aikwana kupinda munhu mukuru uye akadzika chipo chemita nechidimbu.

Vari kuziva nezvenyaya iyi vane fungidziro yekuti mutumbi wainge wavigwa muguva iri unogona kunge wakatorwa nevaroyi ukaendwa nawo.

Pamusoro pemazikomba akacherwa aya panonzi ndipo paive nezitsoka remunhu raiva rakadhinda uye rakareba chipo che45 cm.

Kunze kwaizvozvo, paguva iri panonzi paiva nematsimba emhuka anoita kunge emabhiza, mapere, mbiti nemakava izvo zvakasiya vemhuri iyi vazere nekushamiswa.

Zitsoka raiva rakadhinda nechekumusoro kweguva iri rinonzi ndere kurudyi.

Vemhuri yemushakabvu uyu vane fungidziro yekuti munhu ane zitsoka raive rakadhinda paguva iri ane gumbo rimwe chete rekurudyi chete.

VaFrancis Kembo (52), avo vanova hanzvadzi yemushakabvu – Magarate Kembo (54) – vanoti zvakaitika izvi chishamiso chikuru.

“Hanzvadzi yangu yakarwara negomarara repahuro kusvikira asisakwanise kufema. Akanochengetwa nemwanasikana wake kuDenda, kwaMusana, uko akazofira.

“Mutumbi wake takauya nawo pano pamusha ndokuzouviga zvakanaka. Patakamukira kumakuva rechimangwana racho setsika yedu yechivanhu, ndipo patakaona mashura aya.

“Guva rainge rakacherwa mazikomba 4 kumativi ose.

“Takazonyanya kushamiswa taona zitsoka rainge rakadhinda iro ratakayera tikaona kuti raive rakareba 45 cm, riri rimwe chete rekurudyi. Hamheno kuti munhu werudzii iyeye, pamwe inyin’inya,” vanodaro.

Vanoti paguva iri painge pakatsikwa-tsikwa nematsimba emhuka.

“Patakaviga mutumbi kumazuva rodoka, takasiya tamwaya mvura paguva, fume ramangwana racho tichinoona mashura aya. Hatizive kuti mhuka dzine matsimba aive apa dzainge dzakataswa neuyo ane zitsoka rakatsikapo here.

“Tinongoti ava varoyi vakuru vemuno. Chokwadi ndechekuti mutumbi wehanzvadzi yangu muguva hamusisina, wakaenda nevaroyi, Izvi takanozviudzwa kumaporofita nekun’anga kwatakafamba,” vanodaro.

Vanoti havana kumhan’ara nyaya yekufukunurwa kweguva iyi kumapurisa asi vakaisvitsa kwasabhuku wavo.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Assistant Inspector Tendai Mwanza, vanoti nyaya yekufukunurwa kweguva nevanhu vasingazivikanwe iyi haina kusvika kumapurisa.

“Nyaya dzakadai dzikaitika, tinokurudzira vanhu kuti vaende kunomhan’ara kumapurisa edu ari padyo navo zvoonekwa kuti pangadaro paine nhubu dzakachera here nekuti vanhu vanoshereketa. Asi kana ichinzi inyaya dzehuroyi, isu semapurisa hatichapinda, zvinodawo chivanhu,” vanodaro.

VaKembo vanoti ivo semhuri, vakatya kupinda mumakomba akacherwa paguva aya kuti vaongorore.

“Isu semhuri uye nekutya, hatina kupinda mumakomba aya kuti tione kuti mutumbi waivamo here muguva. Takafamba kumaporofita nekun’anga tikanzi guva iri rakagadzirwa nevaroyi vemuno avo vanonzi vaida kumutsa mweya wehanzvadzi yangu kuti uuraye ini nevamwe.

Guva rinonzi rakafukunurwa

“Ndini ndainzi ndibve ndangofira paguva iri kana kuti ndodzoka kuno kumba ndichirwara nemusoro,” vanodaro VaKembo.

Sahwira wemhuri iyi, uyo akangonzi VaMurengwa, anonzi ndiye akazonotsvaga mvura yemuteuro, iyo yavakamwaya paguva vachibva vavhara mazikomba nekutsvaira tsoka dzemhuka nezitsoka remunhu ndokuzoisa matombo pamusoro.

“Ini ndakatya kana kusvika paigadzirwa guva iri sezvo ndakanga ndaudzwa kuti ndini ndaiva pasitikeni (pachidanho) yekufa kuchizotevera vamwe vangu vaviri nekuti tasara tiri vatatu chete.

“Ndini ndaitevedzana neakafa uyu pakuzvarwa,” vanodaro.

Vanoti vanga vasati vamboona mashura akadai.

“Pano tave kugara tichitya nekuda kwechiitiko ichi, kunyangwe zvazvo vanoita zvemweya vakambotibatsira. Tichada kuita nyaradzo nekuzorova guva saka zvose izvi zvave kutyisa kuti tinozviita mune zvakanaka here, pamwe panogona kubva padonha munhu akafa.”

Vopa maonero avo panyaya iyi, Mbuya Sarah Sithole Pfidze (44) vekwaSeke, vanoti mhuri yemushakabvu uyu inoda rubatsiro.

“Vasara mumhuri iyi ngavarege kuita zvekutamba nekuti kazhinji kacho varoyi vakaita zvavakaita izvi vanotora mweya wemufi, voushandisa mubasa ravo.

“Mweya uyu unozodzoka wave kuuraya hama nekuti wakapindurwa. Mutumbi muguva umu hamusisina,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links