Uncategorized

Guva rembwa isina kofini kana munamato

09 Feb, 2018 - 00:02 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa
DZIMWE tsika dzakafanana nekudyiswa mapepa. Mapepa haarutsise, asi anoshata kunge shut-up yemunhu ari kuvira nehasha asiri kuda kutombonzwa kuti uri kuti kudii. Mapepa haajairike, nyangwe ukaaisa sauti haamedzeke.

Paunenge uchitsenga mapepa, mukanwa munenge muchinzwa semuri kucherwa guva rembwa inovigwa isina kofini, gumbeze kana munamato!

Ndinozviziva kuti nguva dziri kufamba uye pasi riri kupinduka, asika kupinduka kwepasi hazvireve kuti tinofanirwa kudyara tsine nezvidhongi mumunda panzvimbo yechibage nezviyo.

Ndinokanganiswa netunhu twusina basa twuri kutekeshera muvanhu vedu.

Twunhu itwotwo twuri kuitwa nevamwe twakafanana nekanhu kanobhururuka zvisina chinangwa, kobva kasvika pawakazvigarira zvako kopinda mumhuno, kumberi-mberi chaiko zvekuti unotonzwa kuti kagara munyama dzakapfava uye kave kukupa kuti unzwe kusagadzikana nekuda kuhotsira nekufura dzihwa risimo.

Unoshaya kuti sei kasina kupinda mukanwa maunogona kukasvipa, kana kuti sei kasina kupinda muziso rikachururuka misodzi kakabuda? Sei kasarudza mhuno iwe usina chekufurisa dzihwa, uye pauri pasingaite kuti ufure dzihwa nemaoko? Ndiyo inonzi svoto!

Wati wamboonawo here mumwe munhu anongotumira meseji pafoni pako sekanhu kari kubhururuka zvisina direction. Unongoerekana foni yako yagashira meseji inongoti, “Hie.”

Apa iwe hauna nhamba dzemunhu iyeye.

Nhai, kana ukanditi “Hie,” asi worega kuzvizivisa kuti ndiwe ani, wekupi, anoita nezvei uye uri kunditaudza wakanangana nenyaya yei unenge uchida kuti ndiite sei nemeseji yakangonzi, “Hie”?

Chapfakanyika chati ndipenengurwe, zvimwe chetewo nepafoni, kana wawana nhamba dzangu, ita kuti ndikuzive tikwanise kutaurirana usati wandisvibisa mwoyo nekungomisa kombi, kana yamira wobvunza hwindi kuti, “Ikombi here?” iwe uchiona kuti ikombi.

Chimwe zvakare, handizive kuti kuzvida here kana kuti kuzvikudza zvakanyanyisa — asi kana uchitaura neshamwari dzako, handina dambudziko kana ukati, “Iri bho.”

Asi kana wandinyorera meseji uchikumbira kubatsirwa uye tisingazivane, ini ndobva ndakuudza kuti ndichakubatsira kana ndapedza zvandiri kuita, iwe wobva wapindura uchiti, “Iri bho,” unondivhundutsa. Pamwe ndini ndasaririra kumashure kwenguva, asi kupima nekuziva mashoko ekushandisa kuvanhu vakasiyana-siyana chinhu chakanaka. Mashoko anoda kupfekedzwa hembe kwadzo, kwete maCrop top!

Iko kutaura kwekusaidzira kunge door rekombi kwakazonyimisa mumwe musikana basa nekusaziva vanhu vekushandisira izwi rekuti, “Sharp!”

Musikana uyu akanga apinda muInterview yebasa, achibva audzwa mari yaaizotambira.

Akanzi mari iyi inokuitira here, iye achibva ati, “Sharp!” Kwauri sharp inogona kunge kuri kuratidza kuti unofambirana nenguva, wakapenga nekupinza semuromo wepenzura.

Asi kwandiri, sharp inoratidza kusaziva, kuzvida, kungoregedzera hunhu huchidonha pasi sehembe dzayanikwa dzisina mapegisi.

Sharp inoratidza kungotorera zvinhu zvese padanho rimwe chete. Saka kuti, “Ehoyi” nekuti “Zvakanakai,” kwakasaririra nhai?

Zvakangofanana nemanyorero amunoita zvimwe zvinhu muchizvida pamafoni.

Chii chinotadzisa munhu kuti “sei?” achinyora kuti “cey?” kana kuti “uricy?” Ndinozviziva kuti kumwe kunyora ndekwekuti musapedze nguva, asi ngakushanduke kana wave kutaura nevanhu vausingazive.

Tinofunga kuti zvedu zvese zvakasaririra, saka tinofanira kuzviita kuti zviswedere kuchirungu.

Kana iri WhatsApp yave kutidzidzisa kusadarikwa nechese chataurwa. Inga wani tsumo inoti dzidza kunyarara ugotorwawo semungwaru.

Kana zizi riye ratakanzwa nezvaro kare rinonzi rakanga rakamhara mumuti richinzwa, parakanga richinzwa zvakawanda, rakawedzera kunyarara.

Parakawedzera kunyarara, rakanzwa zvakawanda. Kutaura kwenyu Masasi Park chaiwo!

Share This:

Sponsored Links