Guva remwana rakavhurwa nemapositori

06 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Guva remwana rakavhurwa nemapositori

Kwayedza

. . . sabhuku akapihwa $2

MUKADZI anopinda chechi yeJohane Masowe weChishanu uyo anga akaroorwa mubhuku raChitate, kwaSeke, anoti chitunha chemwana wake chakafukunurwa “neabiya” ake mapositori echechi iyi vachipa chikonzero chekuti mutumbi wake wainge waradzikwa nedivi risiriro.

Madzimai Marshia Mukwada (21) ari kutsidza kuti mutumbi wemwana wake, Evernance, uyo akafa aine mwedzi nechidimbu yekuberekwa, wakafukunurwa nemaporofita echechi yake – varume nevakadzi – ndokuzouviga zvakare asi pasina mvumo yemapurisa sezvinodiwa nemutemo.

Madzimai Mukwada – uyo anga akaroorwa naMadzibaba Foster Karikoga (26) – ndiye ane nyaya yakabuda muKwayedza svondo rapera pamberi achitsinhira kuti anodanana nevarume vakawanda vemubhuku raChitate.

Foster Karikoga

Mukadzi uyu anoti akadanana nevarume ava aine pamuviri pemwana akazofa uyu, izvo zviri kunzi ndizvo zvakakonzera rufu rwemwana wake asina kureurura.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police kudunhu reMashonaland East, Assistant Inspector Tendai Mwanza, vanotsinhira nyaya yechitunha chakafukunurwa iyi vachiti iri kuferefetwa.

Asst Insp Mwanza

“Nyaya yemapositori anonzi akafukunura chitunha chekasvava yakasvika kwatiri, kuhofisi inodyidzana neruzhinji. Ndakatozivisa mukuru wekamba yemapurisa yeDema kuti vatange kuferefeta nyaya iyi nekuti imhosva kufukunura chitunha – hazvina mhosva kuti ndechehama yako sababa kana mwana wako, unosungwa,” vanodaro.

Mambo Seke, VaStanley Chimakire, vanoti vachatuma makurokota avo kunoongora mafambiro akaita nyaya iyi.

Madzimai Mukwada anoti nyaya yake yekudanana nevarume vakawanda iye ari mudzimai wemunhu iri nani kana achienzanisa neyeavo vakafukunura chitunha chemwana wake.

“Ndakatongwa nekuda kwekudanana nevarume vemumusha ini ndakaroorwa. Asi zvangu zviri nani nekuti iye murume wangu nevamwe vanhu vemumusha, kusanganisa maporofita echidzimai neechirume vakanochera mutumbi wemwana wangu vakaubuditsa muguva. Vakauchinja machira aiva akaputiriswa chitunha vakazouviga patsva vachiti waiva wavigwa nerutivi rwusirirwo.

Anoenderera mberi achiti: “Mwana uyu afa, akanovigwa nemadzimai kunzvimbo nyoro ndokuzonzi aifanirwa kunofukunurwa achinzi ainge aradzikwa nedivi risingabvumidzwe pachivanhu.

“Murume wangu uyo anova mudare kuchechi yeJohane Masowe weChishanu yemumusha waChitate, akazotorana nevamwe vechipositori vakanofukunura guva iri ndokuzoradzika mutumbi wemwana uyu nenzira idzo vaida. Ini ndakarambidzwa kusvika kumakuva, handina kuenda navo, zvichinzi ndaisafanirwa kuendako. Kana hama yangu imwe chete zvayo pakanga pasina.”

Sabhuku Chitate

Mukwada anoti anoda kuti nyaya iyi iongororwe sezvo aine fungidziro yekuti pane kushinha kunogona kunge kwakaitwa.

Anotiwo Sabhuku Chitate vakapihwa $2 yekuti vatendere kufukunurwa kweguva remwana wake.

Sabhuku ava vanotsinhira kuti guva remwana rakafukunurwa asi vari kurambisisa kuti $2 yavakapihwa yaiva yekuti vape mvumo kumapositori aya.

Asi Madzibaba Karikoga ari kuramba kuti iye nemamwe mapositori vakafukunura guva remwana wake achiti iyi inzira yaMadzimai Mukwada yekuda kutanda nyadzi dzekudanana kwaiita nevarume vakawanda vemumusha uyu.

“Nyaya yave kutaurwa naMarshia iyi kuda kuvhara yake yekushinha nevarume vemusha uno. Iyi hamumboiwana, ngaataure zvake manyepo iwayo.

“Ngaazive zvekuti akauraisa mwana wangu nechipfambi chake chete. Plus ndinoda kuti imi veKwayedza mundibhadhare nekuti makaita mari nenyaya yangu – yekuti mudzimai wangu anodanana nemusha wose,” anodaro.

Ava Sabhuku Chitate, VaZiva Chitate (61), vanotsinhira kuti mutumbi wemwana uyu wakanofukunurwa ukazovigwa patsva.

“Ichokwadi, mutumbi wemwana uyu wakavigwa ini sasabhuku ndakapihwa mari yekusumwa, $2 yebadza chinova chivanhu apo wakanovigwa nemadzimai setsika yechivanhu.

“Ichokwadi kuti chitunha chakacherwa asi zvavakaita nacho ini ndaisavapo, kana mukabvunza amai vekamwana aka, ini ndaisavapo.

“Kana vakazoviga patsva kana vakaendesa kupi, ini handizive,” vanodaro Sabhuku Chitate.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey