Guvhudende nechivanhu

20 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
Guvhudende nechivanhu

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
“KANA ndikafa ndinofanira kunovigwa kumatongo kumusha kwangu kunova kwakasara rukuvhute rwangu.”
Aya mashoko anogarotaurwa nevanhu vakawanda zvinova zvinoratidza kukosha kwerukuvhute mutsika nemagariro evanhu vatema.

Rukuvhute chikamu cheguvhu remwana chinenge chakabata kuna amai apo anenge achikura mudumbu dakara pakuzvarwa asi chinozochekwa pakusununguka.

Vamwe vanoti rukuvhute rwunoda kuchengetwa pakanaka kuti rwusaonekwe nevanhu vanoshereketa avo vanogona kushinhirira mwana akarwara kana kufa.

Asi kune rimwe guvhu rinokurisa zvekudarika mwero iro rinozivikanwa nekuti guvhudende. Vamwe vanhu havanzwisise nezveguvhudende uye vanopa maonero akasiyana pamusoro paro.

Kwayedza yakaita ongororo yeguvhudende ikanzwa pfungwa dzakasiyana.

Mai Rosemary Madamombe (50), vekwaMurehwa, vanoti mwana ane guvhudende anoonekwa nekukosora zvakanyanya.

“Vamwe vanotora mari yakare yesimbi, sedhora kana sendi, vosungirira paguvhu remwana vakaritsimbirira kuti ridzokere mukati. Zvinogona kutora makore asi richizodzokera mukati zvakanaka.

“Manapukeni chaiwo kana akapfekedzwa zvakanaka akatsimbirira guvhu remwana rinopera asi ma’pamper’ akauya aya haanyanyi kubata, ndokusaka vana vazhinji vave nemakuvhu mahombe,” vakadaro.

VaMaxwell Madzivanyika (23), vekwaChihota, vanoti murume kana mudzimai ane guvhudende anofungirwa kuti anogona kubata mumwe wake zvakanaka mumba.

“Vanhu vane makuvhu mahombe ishasha mumba, guvhu iroro vanogona kuriseka havo kuti rakakurisa asi rine zvakawanda. Hongu rinogona kunzi rinorwadza kana mwana achiri mudiki asi kana munhu achinge azokura naro rinenge risisarwadze,” vakadaro.

Vanoti chinongorwadza paguvhudende inyaya yekusekwa kunoitwa vanhu vanaro apo vanopihwa mazita ekutsvinya.

“Panyaya dzekupfeka hembe rinogona kuva dambudziko zvekare nekuti kana ukada kupfunyira sheti mukati metirauzi guvhu riye rinosara rakangoti dhe-e kubuda panze zvinoita kuti uite semunhu ane pamuviri kana ane mabhizhimusi iwe usina. Kana kuri kuvasikana unotogona kushaya mukomana vanhu vachifunga kuti une nhumbu,” vakadaro.

Mai Nyengeterai Nhando (65) vekuHonde Valley, kwaMutare, vanoti ivo vanopinda kereke yekwaMwazha uye havaoni zvakakosha kuyeresa machengeterwo erukuvhute.

“Ini chandinoziva ndechekuti kana mwana achizvarwa varapi vanocheka guvhu rake nekuti rinenge rakabatana neraamai vake. Vanozoisa chipini chekuvhara mhepo kuti isapinda muguvhu remwana uye amai vanokurudzirwa kuti varambe vachiisa mushonga wespirit kuti guvhu riome zvakanaka pasina utachiona hunopinda.

“Kazhinji mushure mesvondo kana kudarika, guvhu rinooma rukuvhute rwobva rwadonha asi ini hangu pavana vangu ndakange ndichikanda muchimbuzi,” vakadaro.

Vanoti vamwe vanokanda rukuvhute rwemwana pamusoro pemba kuitira kuti rwusatorwe nevavengi avo vanozogona kushinha naro.

“Vamwe tinoona vachikanda rukuvhute rwemwana pamusoro pemba kana kucherera pamwena wepachuru.  Kune vamwe vane maguvhudende makuru, guvhu rakadaro rinorira kunge rine mvura. Mwana anogona kunovhiiwa kuchipatara nekuti anenge achinzi ane hernia,” vakadaro.

Mai Portia Moyo (34) vekwaChihota vanoti rukuvhute rwemwana rwunoiswa mudziva.

“Mudziva inzvimbo inotonhorera saka kana rukuvhute rwemwana rwuchinge rwadonha ndimo marwunoiswa nekuti munogara muine hunyoro. Izvi zvinoita kuti upenyu hwemwana hunge huri nyore nekuti kana rwukaiswa panzvimbo yakaoma anoraramowo upenyu hwakaoma,” vakadaro Mai Moyo.

Mai Salom Kutyakureva vekwaRusape vanoti rukuvhute rwevana vavo vose vairasira muchimbuzi nekutyira kuti rwungaonekwa nevamwe vanoshereketa vakavashinhirira.

VaLiveson Muzondiwa (41) vekwaChirumhanzu, vanotiwo rukuvhute kana rwuchinge rwadonha rwunotorwa rwosanganiswa nendove rwozoshandiswa mukudzurura mumba.

“Kumusha kwedu ndakaona rukuvhute rwemwana rwuchidzururiswa dzimba uye kana vapedza rworaswa harwo.

Chivanhu ichi ndechekuratidza kuti vemhuri vanenge vabvuma kuti mwana azvarwa ndewemumusha imomo nekudaro anenge atogadzwa mumba nenzira iyi.

“Vamwewo ndivo vanosanganisa rukuvhute nemishonga zvosonererwa mukajira kachena kana katsvuku ako kanosungirirwa muchiuno memwana kana muhuro senzira yekuti asazorwara nenhova,” vakadaro.

Vakaenderera mberi vachiti vamwe vanosanganisa rukuvhute rwemwana nemishonga zvokuyiwa pamwe chete zvichizogadzira mushonga unozorwa panhova yemwana kuti pakasike kuvhara.

“Mishonga iyi inobatsira kuti mwana kana akasangana nemunhu ane nyengerezi (mishonga inokuvadza vana) asarware. Munhu ane nyengerezi anenge aine mishonga yakaipa seyemaraki saka kana akabata mwana anosara achirwara zvekunge achafa.

“Nokudaro rukuvhute rwemwana rwunoshandiswa mukugadzira mishonga yenhova nekurwisa mishonga yevanhu vane nyengerezi,” vakadaro.

Mai Joyce Chiware vekuNyanga (38) vanoti mwana wavo akambenge aine guvhudende asi rakazopera paakasvitsa makore maviri.

“Taingoramba tichimubereka kumusana zvakaita kuti guvhu iroro rizopera. Vana vanonoka kuberekwa kumusana vanowanzoita makuvhu akakura.

“Kwandakaroorwa vanoti kana mwana achinge adonha rukuvhute rwunofanira kuendeswa kumusha kwake rwonopihwa kuna vamwene. Ivo ndivo vanozoziva zvekuita narwo nekuti kana ukasariendesa panotoita mitauro.

Rukuvhute rwemwana wangu ndakatoenda narwo nekuti ndiwo murawo watakapihwa tichipinda mumusha imomo,” vakadaro.

Mai Nyevero Muteyiwa (34) vekuGokwe vanoti vanocherera pasi rukuvhute rwemwana kana kukanda muchimbuzi.

“Ini pavana vangu vese ndaikanda muchumbuzi kana kucherera pasi zvisinei nekuti vamwe vanoti mwana anozoita misikanzwa kana rukuvhute rwake rwusina kuitwa zvechivanhu,” vakadaro.

Mutungamiriri wesangano reZimbabwe National Practioner’s Council (ZINIPA) vari zvekare nyanzvi munyaya dzechivanhu, VaFriday Chisanyu, vanoti rukuvhute rwakakosha muupenyu hwemunhu nokudaro harwufanirwi kungorasirwa pese-pese.

“Rukuvhute ndihwo upenyu hwemunhu, ndokusaka nanhasi uno zvichinzi usatambe neguvhu nekuti rinouraya.

Rukuvhute kana rwuchinge rwadonha rwunoiswa kune vedzinza rake nekuti ndiko kwaanozovigwa kana achinge afa.

“Vamwe vanorwuchengeta kwemakore rwuchizoiswa muguva panofa munhu. Zvino mazuva ano vamwe vave kungokanda muzvimbuzi, ndokusaka vanhu vasingachakoshesi kumisha yavo nekuti rwukuvhute rwavo rwuri pese-pese,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey