Gwaronhau rakananga kubatsira vechidiki

03 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

VECHIDIKI vanotarisirwa kubatsirikana zvikuru negwaronhau richakumikidzwa nguva pfupi iri kutevera iro richavapa mukana wekusimudzira upenyu hwavo kuburikidza nekupangana mazano.
Chirongwa chekuburitsa gwaronhau rinonzi The Journal chiri kutungamirirwa naInnocent Katsande, uyo anova communications officer kuZimbabwe Youth Council.

Katsande anoti kushanda nevechidiki kwenguva yakareba pamwe nekuona kukosha kunoita ruzivo ndiko kwakamupa shungu dzekuti atange gwaronhau iro richange riine zvose zvinoitwa nevechidiki zvakare ndiye mupepeti waro.

Gwaronhau iri, anodaro Katsande, richange riri pamusoro peupenyu hwevechidiki sezvo vari ivo vatungamiriri vemangwana.

Anoti riri kukotsverwa neveZYC pamwe nemasangano akazvimirira uye richakwezva vatapi venhau vemuZimbabwe nevanobva kunze kwenyika sekuSouth Africa, avo vanonyora nyaya dziri pamusoro pevechidiki.

“Semunhu anga achishanda nevechidiki kwenguva yakareba, ndakaona nzara yeruzivo yavainayo ndikati apa panoda kugadziriswa. Ndipo pandakafunga zvekutanga magazine iri uye richange riripo kuzivisa vechidiki zviri kuitwa nevamwe vavo,” akadaro Katsande.

Anoti gwaronhau iri richapihwa pachena uye vechidiki vanokwanisa kuriverenga padandemutande.

Akaenderera mberi achiti vechidiki vakawanda vanotyira kure kupinda mumabasa akadai seezvezvicherwa ayo asina kuwandirwa. Anoti zvizvarwa zvemuno zviri kunze kwenyika zvakasununguka kunyorera kugwaronhau iri zvakare vachipawo mazano anovaka pamwe nekusimudzira budiriro yeZimbabwe.

“Magazine iri richange rakatambanuka zvikuru, nyaya dzose dziri kusangana nevechidiki dzichange dzirimo pamwe nemazano ekuti isu sezvizvarwa zvemuno tingaite sei kuti nyika yedu isimukire zvinova ndizvo zviri kutarisirwa pasi pechirongwa cheZim-Asset,” akadaro Katsande.Anoti ane chivimbo chekuti vechidiki vachashandisa mukana uyu kusimudzira raramo yavo.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>