Uncategorized

Gwee: mupfuhwira, rinodiwa nevaroyi

02 Apr, 2015 - 21:04 0 Views
Gwee: mupfuhwira, rinodiwa nevaroyi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka naKingstone Mapupu
TSVAKIRIDZO yakaitwa neKwayedza pamusoro pemhuka inonzi gwee inoratidza kuti mhuka iyi inobatanidzwa nezvakasiyana izvo zvinosanganisira nyaya dzehuroyi pamwe nekupa minyama kuvanhu. Vanotaura vanoti mhuka iyi ikararochema pamusha inenge ichishura rufu kana zvimwe zvakaipa.

VaBope Mujaru Muchazorwiwa (70) vekwaMuzokomba, kuBuhera, vanoti gwee imhuka inoshura matambudziko.
“Gwee rikasvika pamusha penyu, angava masikati kana usiku uye rikachema, mutsika dzechivanhu motoziva kuti kune rufu ruchaitika. Kana rikachema pamberi penyu muchienda kunovhima, zvikuru usiku, itodzokai nekuti munonosangana netsaona yekuti kana mumwe wenyu anorumwa nenyoka kana kudyiwa neshumba,” vakadaro VaMujaru.

Vanoti pane fungidziro yekuti panofamba mhuka iyi panenge paine zvakaipa pairi zvinogona kutorwarisa vanhu kana kuvapa munyama.
“Mamwe machiremba echivanhu vanoshandisa mvere kana mazino emhuka iyi nemakumbo acho kusanganisa nemishonga, iyo vanogona kushandisira vanhu kuti vaite munyama kana kutora raki muvanhu. Nhengo dzemhuka iyi zvakare dzikasanganiswa nemishonga dzinokwanisa kutora zvirimwa muminda yevamwe,” vakadaro.

Vakaenderera mberi vachiti munhu anoshandisa mushonga une gwee mukati anokwanisa kutora mari muhomwe dzevamwe pasina kugumana navo kana kutadzisa vana vevamwe kuroorwa nekuroora. VaPatrick Kapfunde (42), avo vanozivikanwa nekunzi Sekuru Bhaureni vekuMt Darwin, vanoti mhuka iyi inofambidzana nezvinhu zvakaipa.

“Gwee rinogona kushandiswa kusimbisa divisi, kusimbisa misha kana mashavi ekuba chaiwo pamwe neechipfambi, mushonga weraki wekuti udiwe nevasikana kana vakomana. Kana vaye vanoda kushinhira vamwe zvekuvapengesa zvinokwanisika kuitika nemishonga inosanganiswa negwee,” vakadaro.

VaPenzura Nyamashaya (79) vekuNyamarodza, kwaShe Magaranhewe kuRushinga, vakatsinhirawo kuipa kwemhuka iyi. “Kune vanoziva zvemishonga seni vanoziva kuti kana mhuka iyi ikauraiwa haifanirwe kusvitswa mumusha. Kana vaye vanoda kuidya inogocherwa kusango vodya nembwa dzavo. Inopa minyama kumhuri kana mishonga yekuteya vamwe mumhararano yezvipotswa inoshandiswa negwee.

“Munhu akakwira mubhazi kana mumotokari aine ruwoko rwemhuka iyi kana dzimwe nhengo, motokari inogona kubheuka potofa vanhu asi iye muridzi anarwo haafe,” vakadaro VaNyamashaya.

Vamwe vanonzi vanoenda panzvimbo inoitirwa tsvina nemhuka idzi mumapako votora tsvina yacho voisanganisa nemishonga yemipfuhwira vopa kuvarume kana vakadzi vavo.

Munhu anenge apihwa mupfuhwira wakasanganiswa negwee anonzi haazosimudza musoro mumba zvichiita kuti anenge amupfuhwira aite madiro.

Mhuka iyi inonzi inoshura zvakare kana ikadarika kumberi kwemunhu ichichema.
VaFreddy Makudo (36) vekuEpworth, avo vanove nhengo yeZinatha, vanoti gwee imhuka ine chimiro chakangofanana necheimbwa asi iine muswe une mvere dzakawanda.

“Mhuka iyi haionekwi onekwi nekuti inogara mugomo, mumasango nemunzizi nokudaro kuonekwa kwayo muchivanze rinetenge riri shura. Kazhinji kacho panotofiwa kana kurwariwa zvakasimba nekuti rinodyidzana nemabasa ehuroyi. Varoyi vanorishandisa mumabasa avo akaita sekuritasva, kutora zvinhu zvevanhu, mari nechikafu vasingazive,” vakadaro.

Vanoti kuchema kwegwee munguva dzemasikati kunoshura sezvo richifanira kuchema mambakwedza bedzi uye riri kure nevanhu.
“Kana njere dzevanhu rinotora nekuti rinongoita zvinhu zvisingaonekwi pachena. Somuenzaniso, munhu anoshandisa mishonga yegwee anogona kuenda kuchigayo ongomira zvake asina zvaari kugaisa asi achitaura nechemumoyo kuti anoda kuti kumba kwake kuve neupfu hwakawanda. Nesimba regwee iri iye anotozoenda kumba achisvikowana upfu hwakazara.

“Kana munhu iyeye achida njere dzakarodza anongoenda kunotsika mumvuri wemunhu ane njere achitaura nechemumoyo kuti anodawo njere idzodzo zvinoita kuti kana ari mwana wechikoro apase zvisinei nekuti idofo rekupedzisira.

“Panyaya dzemangoromera, rinoshandiswa zvekare zvekuti munhu anorwa semvumba kana kuti sanaMike Tyson vaye kuburikidza nekungotsika mumvuri wemunhu ane hunyanzvi hwekurwa uchitaura zvekare nechemumoyo simba raanoda,” vakadaro.

Mashoko avo akatsigirwa naVaFanuel Munetsi (65) vekuGoromonzi vachitiwo gwee imhuka isingachemi pose-pose.
Mai Dorothy Manhenda (47) vekuDomboshava, avo vanove nyanzvi munyaya dzechivanhu, vanoti mhuka iyi inoshandiswa mumabasa ekuroya uye ine chimiro chakangoita sechembwa kana bere.

Vachipawo mafungiro avo, Mai Pitypeace Dube (57) vekuGweru, avo vanove nhengo yeZinatha zvakare, vanoti gwee rinoshandiswa mumabasa akaipa.

“Munhu anogona kudaro akafa nechimwe chirwere asi nesimba regwee chirwere chiya ‘chinoraurwa’ choiswa kuvanhu vapenyu. Ndipo paye pamunoona mhuri ichingofa nechirwere chimwe chete vanhu voshaya kuti ingozi here kana kuti chii?

“Isu sevarapi vechivanhu tinoshandisa mishonga kana kurovera hoko pamusha kuti pasapindwe nemweya wegwee. Kana gwee rikada kupinda mumusha richishandiswa nevavengi vanosvikowana paine chimiro cheshumba, dziva remvura votya kupinda nekuti unenge wakadzivirirwa,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links