Gwenyambira odzidzisa vamwe

13 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Gwenyambira odzidzisa vamwe

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu—

GWENYAMBIRA anova mudzidzi wepaBelvedere Technical Teacher’s College, muHarare osimudzira vamwe, kusanganisira maKristu, vane zvipo zvekuridza mbira kuburikidza nekuvafundisa.

Kelvin Chikumbirike (28) – uyo anove zvakare mukuru wesangano reMarianne Decher Arts Trust – anoti kune vamwe vanhu vane pfungwa dzekuti mbira dzinoridzwa panenge paine zvekuita nemashave kana kuti chivanhu zvinove zvisirizvo sezvo dzichikwanisa kuridzwa kana kumachechi zvakare.

“Ndiri kushandisa chipo changu kuti ndidzidzise vatungamiriri vemachechi uye vanoridza nevanoimba nziyo dzechitendero kuti mbira vanokwanisa kudzishandisawo pavanenge vachiimba nziyo dzechitendero.

“Vamwe vachiri kudziona sedzinoshandiswa pane zvechinyakare uye vane pfungwa yekuti hazviite kudziridza muchechi asi dzakangofanana nengoma ndokusaka ndiri kudzidzisa nedingindira rekuti ‘Mbira for Jesus’ nekuti dzinokwaniswawo kuridzwa panenge pachishumirwa zvaJesu,” anodaro Chikumbirike.

Anoti gwaro idzva redzidzo reNew Curriculum riri kubatsira zvikuru mukuedza kusandura mafungiro evana muzvikoro kuti vasaone mbira sedzinoshandiswa mune zvekuita nechivanhu chete.

“New Curriculum iri kuita kuti vana vadzidze kuridza magitare nembira izvo zviri kuita kuti vadzifarire uye nekuzoonawo vaimbi vakaita sanaJah Prayzah, Alexio Kawara naHope Masike vachibudirira nekuridza mbira vari kubva vada kudzidzidzawo.

“Vamwe vabereki nekudzifarirawo vari kuuya ndichivadzidzisa nekuti hadzina zera,” anodaro Chikumbirike.

Anoti sangano rake reMarianne Decher Arts Trust mwedzi wadarika rakaita svondo rose richigadzira mbira dzanagwenyambira nekuvadzidzisa kuridza.

“Takaona kuti dzimwe mbira dzevaimbi vakuru chaivo dzaiva dzisingarire zvakanaka saka takafunga kuti ko dzevamwewo vanhu vasina mari yekugadzisira dzinenge dzakaita sei,” anodaro Chikumbirike.

Zvakadai, Chikumbirike anoti kushaya mari yekushandisa ndiko kuri kudzorera basa rake kumashure.

“Kushaya mari nembira dzacho ndizvo zvimwe zviri kuti dzikisira pasi, pachinge paita vamwe vanokwanisa kutibatsira tingawanikwe tichidzidzisa vazhinji,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>