Haaitambwa guva

20 Jul, 2018 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi  Gunduza—

SVONDO rino tinopedzisa ongororo yetsika nemagariro evanhu muchinyakare.

Tsika yebarika. Tinonzwa kuti Rufuse akanga aine vakadzi vatatu vaiti; Shayamano, Nyadziso naNdakasemwa. Mambo Njeremavhu vaivewo nemadzimai akawanda anosanganisira Bhavheya.

Munhu akafa achiita zvokuzvisungirira haaitambwa guva.

Tinonzwa panotukwa Nyadziso naNdakasemwa achinzi unhu hwake hwaisazadza mukombe nekuti baba vake vakanga vasina kutambwa guva pamusana pokuti vakaita zvokuzvisungirira pamubvamaropa.

Pasichigare kwaipfekwa nhumbi dzaigadzirwa nematehwe emhuka. Tinonzwa nezwi remunyori kuti Bhavheya paaifamba nhembe yake yekumashure yaisimuka kunoti pfupikei pane mhapa.

Pasichigare mukanwa maigezwa netutanda twemiti. Tinonzwa Ndakasemwa achiraira manyambiri ake achiti, “Mukanwa munoda kugarocheneswa. Munhu ndewokutora chiguni chomuhacha achikwenga mumuromo kwete zvokutadzisa vanhu kusununguka nokukapirwa nomweya wemukanwa.”

Pasi pemusoro uyu unogonawo kubvunzwa nezvetsika dzaunovenga kana dzaunoona sekuti dzinoda kuramba dzichichengetedzwa.

Mumwe anogona kuvenga tsika dzakafanana neidzi; kuzvarira vana, kuuraya manyambiri, barika, nedzimwewo.

Tsika dzingangoda kuchengetedzwa ndeidzi; kuroorana vematongo, kukoshesa midzimu, humambo, nedzimwewo.

Share This:

Sponsored Links