Uncategorized

Haasi muroyi, asi murwere

20 Feb, 2015 - 00:02 0 Views

Kwayedza

MUKADZI wekufumoonekwa asina kupfeka ari pane imwe imba kuUnit F, kuChitungwiza nemusi weMugovera svondo rapera, uyo akafungidzirwa nevamwe vakamuona kuti muroyi anonzi murwere wepfungwa.

Kwayedza svondo rapera yakaburitsa nyaya yemukadzi uyu, uyo akazoendeswa kukamba yemapurisa yekwaMakoni mushure mechiitiko ichi.

Mwanasikana wemudzimai uyu, Muzvare Muchaneta Mhaso (29), nemusi weChishanu chadarika akashanyira mahofisi eKwayedza ndokutsanangura nyaya yaamai vake.

Muzvare Mhaso vakaratidza makadhi ekuchipatara cheChitungwiza Central Hospital uko amai vavo vanopota vachinorapwa.

“Amai vedu vanorwara nepfungwa uye dambudziko iri rakatanga muna Ndira 2014. Pazoitika nyaya iyi tainge tavashaya kumba kuUnit L, kuChitungwiza, musi waKukadzi 5 ndokuzovawana kumapurisa kwaMakoni Police Station musi waKukadzi 7,” vakadaro.

Vakati pavazowanikwa apa, ivo sehama, vainge vatomhan’ara kumapurisa kuti havasi kuona amai vavo uye mbatya dzemukati dzavakawanikwa vakapfeka havana kuita dzekupihwa sezvainge zvarehwa nevamwe vanhu, asi kuti ndedzavo.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>