Kwayedza
Kingstone Mapupu
NYANZVI dzezvechivanhu dzinoti nyaya yemombe yekwaChiendambuya, kuManicaland – inonzi yakadzingirira muridzi wayo ichida kumutunga nekumutsika-tsika, iyo ndokuzopinda mubhedhuru make umo yakasvetukira pamubhedha, ichibva yangofirapo – ine chekuita nemabasa ekushandiswa kwemishonga yakaipa.
VaGeorge Kandiyero, avo vanova mukuru wesangano rinomirira machiremba echivanhu, reZinatha, vanoti hakuna mombe inoita zvakadaro inenge isina mweya wakaigara.
“Tose tinochengeta mombe nezvimwe zvipfuyo mumisha yedu, asi hakuna kwatakambonzwa kuti chipfuyo chinorwisa muridzi wacho choguma chonofira mumba, pamubhedha wemuridzi wacho.
“Pane zvinhu zviviri zvinogona kunge zvakakonzera zvakaitika izvi, sekuti pamwe iye muridzi wacho akaromba kana kuti akatumirwa zvikwambo nevamwe kana kuti mishonga yake yave kumudzokera,” vanodaro.
Vanoti dai mombe iyi yakangotunga muridzi wayo nevamwe vanhu yakasiya zvakadaro zvaiva nani pane kuti yakazonopinda mumba ikafiramo.
Mashoko avo anotsinhirwa naMadzibaba Mateu Mupfumbati vekuBudiriro, muHarare, vachiti iyi haisi mombe iri yoga asi kuti chinogona kunge chiri chidhoma.
“Nhaimi kana ndimi, mungabvume kuti mombe yotunga muridzi wayo nevamwe vanhu, yozomhanya iyo isingarware yonofira mumba memuridzi wayo pamubhedha? Yakaziva sei kuti ndimo mumba memuridzi wayo?” vanodaro.
Vanoti mhuri iyi inofanirwa kufamba kuti vabvise mweya wavakaunzirwa nemombe yakafira mumba iyi.
“Zvinoreva kuti mombe iyi yaida kusiya yauraya munhu iyo isati yafa. Kana vachiita zvechechi ngavaende kunobatsirwa ikoko uye kana vachiita zvechivanhu, voenda ikoko,” vanodaro.
VaMartin Madzura kana kuti Madzibaba Gamba (34) vechechi yeKundiso Apostolic Faith, kwaMutungagore, kuNyazura, vanotiwo: “Haisi mombe iyi, kana vakadya nyama yacho dambudziko ravo ratokura.”