Handa haisvinure nezuva rimwe

23 Apr, 2015 - 14:04 0 Views

Kwayedza

AFRICA, makazvimbirwa, makatsamwa! Vamwe muzere nouturu. Vamwe mune mweya wokutsividza, kwoitawo vamwe vari kuti, “Kwete, zvizvarwa zveSouth Africa hazvingabate vamwe vavo vomuAfrica nokuseri kworuwoko kudaro, vari ivo vanhu vakatambura kusvika South Africa yawana rusununguko kubva kuudzvanyariri hwamabhunu.” Tiri kukunzwai muchiti dai isiri Africa yakamira kuti mutungamiri wokutanga VaNelson Mandela navamwe vavo vabude mujeri, dai vasina kumboitonga South Africa! Muri kutsutsumwawo kuti ko hasha dzakaipisisa kudaro dzavave kupedzera pahama dzavo dzomuAfrica, vanodii kunodzipedzera kuvachena vachakabata matomu oupfumi hweSouth Africa. Africa, mune kodzero yokurwadziwa nokugumbukira zvizvarwa zveSouth Africa zvave kukutandanisai munyika mavo vachiti muri kuvatorera mabasa avo.

Asika, hatidi kuti dambudziko rienderere mberi somusono. Hatidiwo kuita hwegurwe rinoti ratsamwa rodambura namakumbo . Zviri kuitwa nezvimwe zvizvarwa zveSouth Africa zvakaipa, uye zvinoshoresa nyika, vatungamiri, mangwana zvoshoresawo Africa pachayo.

Yambiro panyaya yoruvengo rwaitirwa kuzvizvarwa zvisiri zvomuSouth Africa ndeyokuti, akazvara sekera mudende. Kwouyawo vanozobaya panyama nhete vanoti: Vana vembwa havasvinure musi mumwe chete.

Iyi ndiyo yagara pahana. Zvirokwazvo, Africa maita saamai vanosvitswa kutsime nomwana wavakabereka. Aiziva kuti mungatandwe muSouth Africa nehama dzenyu, vamwe vachirohwa nokupondwa ndiani? Ndiani aiziva kuti kungaita mambo vanopesvedzera kuti mabvakure ngaadzokere kumusha kwawo, sezvakaitwa naMambo vechiZulu Goodwill Zwelithini? Mambo vanomirira kodzero dzomunhu wese, kusanganisira iwo mabvakure?

Uyewo vakazvifungidzira kuti mwana womutungamiri wenyika, Edward Zuma angabudewo achitsigira zvakataurwa namambo ndiani? Ndakambofunga kuti mweya wakapedza vanhu muRwanda mugore ra1994 ndiwo wave kusimukawo muSouth Africa. Zvange zvisi zvitsva kuti vati mabvakure budai munyika medu nokuti muri kutora mabasa edu, asi zvorwendo rwuno zvakazunguza Africa yese nokuti hapana mubvakure akasara ari pari nani kunze kwavaya vane mari dzavo, kana kuti vane mabasa apamusoro-soro.

Asi nazvino, vanhu vakabatira hana mumawoko!

Zvorwendo rwuno zvakaita kuti Africa ibvunze kuti mweya wapinda muSouth Africa wabvepi, uyewo kuti ndiani ari kuupesvedzera.

Asi sokutaura kwavakuru, vana vembwa havasvinure nezuva rimwe. South Africa yamakambofunga kuti ndiyo yakapedzisira kusvinura maziso mugore ra1994, yakabva yaratidza kuti yakatsinzinya – kuita bofu chairo.

Imiwo veAfrica itopfekai moyo wokunzwa tsitsi nokuregerera nokuti nemiwo muri kusvinudzwawo pakare, imi makambofunga kuti masvinura, mave kuda kushandira Africa.

Africa ikasaziva izvozvo zvokuti vana vembwa havasvinure musi mumwe chete, panoita mweya wokuda kutsiva. Kana zvadaro zvoreva kuti hapana musiyano navanhu veSouth Africa vacho vanoramba hama, vachida kugara navanhu vanovasveta simba noupfumi.

Imi gamuchirai zvizvarwa zvenyu zviri kudzoka kumusha. Kana varipo vakapinda mutsekwende yokuti vakauraiwa munyaya idzodzi dze”xenophobia”, ngazvitambirwe, zvichirwadza kudaro. Asi chikuru ndechokuti nyoka huru haizvirumi.

Varatidza pachena kuti maziso haasati asvinura, saka vabatsirei kuti asvinure, kuitira kuti tese tione nokuziva kuri kubva Africa, pairi nhasi uno, uyewo kwairi kuenda. Gamhidzanai mashoko paFacebook, WhatsApp, Twitter nedzimwe nzira dzokufambisa mashoko mazuvano, asi ngazvigumire ipapo. Ngazvirege kusvika pokuti munobatirana matemo, mabonza, pfuti, mapanga, peturu muchipisana asi ivo vari kudya mafuta eSouth Africa vari kumafuramhepo. Vazhinji vachadzoka, uyewo vange vagara vachingozodzoka kunyange pasina bongozozo iri.

Pavange vasipo, vakapa Hurumende dzavo mikana yokumisa zvinhu zvinoita kuti vatange mabhizinesi avo, kana kutotsvaga mabasa pakare. Kusvinudzwa kwehurumende dzomuAfrica kuti kapadza keserima, hakana ndima.

MuZimbabwe, vazhinji tinoti dai riri dambudziko rakaitikira muno, dai nyaya iyi yakatengwa nedzimwe hurumende dzomuAfrica vachienda nayo kunyika dzokumadokero kana kuUnited Nations Security Council chaiko.

Asi nhasi haisi Zimbabwe, iSouth Africa. Hazvifanani. Takavakidzana kudai neSouth Africa, chikuru kukurudzira rudo, runyararo, kuwadzana nokuyanana kunyanya panguva ino mutungamiri wenyika Cde Mugabe vari sachigaro wesangano reSadc neAfrican Union.

 

Share This:

Sponsored Links