‘Handi zvitsva, zvinoitika’

13 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
‘Handi zvitsva, zvinoitika’

Kwayedza

MACHIREMBA nenyanzvi dzezvechivanhu vanoti zvinokwanisika kuti mwana azvarwe aine nhengo mbiri dzesikarudzi.

Izvi zvinotevera nyaya yemwana wekuMuzarabani ane makore mana okuberekwa uyo ane dambudziko rekuva nenhengo dzakavandika mbiri – yechikadzi neyechirume.

Sekuru Friday Chisanyu, avo vanova mukuru wesangano rinomirira vanachiremba vechivanhu nevemakereke, reZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA), vanoti zvinokwanisika kuti mwana anozvarwa aine nhengo mbiri dzakavandika.

“Ini ndakasanga nevana vanozvarwa vakadai vakawanda, hurema hunosanganikwa nawo. Vamwe vanotozvarwa vaine zvigunwe zvakawandisa vamwe vasina uye vamwe vakabatana makumbo kana misoro pamutumbi mumwe chete.

“Kune vamwe vana vanozvarwa vaine mazino, saka zvinoda kuti vana vakadai vaendeswe kunovhekwa nemachiremba uye kana isu vechivanhu tisingazvigone, tinobuda pachena,” vanodaro.

Sekuru Chisanyu vanoenderera mberi: “Huroyi hongu huriko, asi kazhinji zvakadai izvi kuremara.”

Mashoko avo anotsinhirwa naDr Takudzwa Mutsvanga avo vanove chamangwiza weQueen Mary Bio Tech Laboratory Medical Institute vachiti zvinokwanisika kuti mwana azvarwe aine nhengo mbiri dzesikarudzi uye dzinenge dzakasiyana.

“Tichitarisa hurema, zvinokwanisika kuti mwana azvarwe aine nhengo mbiri uye zvave kuda ongororo yenyanzvi dzakati wandei kuti zvionekwe kuti mukomana here kana kuti musikana.

Vanoti mwana kana achinge azvarwa aiine nhengo mbiri dzesikarudzi, anofanira kuzozvisarudzira oga akura kuti anoda kuve munhurume kana kuti munhukadzi here kwete kusarudzirwa nevabereki kana dzimwe hama dzake.

“Zvakanaka kuti mwana azvisarudzire kana akura kwete kumusarudzira. Kuti mwana uyu abatsirike, vabereki vake havafanire kuita zvinhu vachimhanya kana kuitirana nharo semhuri. Zvinoda vanachiremba vane ruzivo nazvo, zvakare vabereki ngavamirire mwana kana achinge akura aite sarudzo oga zvaanenge achinzwa iye kuti anoda kuve. Zvinhu zvinowanikwa,” vanodaro Dr Mutsvanga. Kuchiti Bishop Oliver Magaso, avo vanotungamirira chechi yeSpiritual Shield Apostolic Church, vanoti kashoma kusangana nenyaya dzevana vanozvarwa vaine nhengo dzesikarudzi mbiri.

“Semaziviro andinozviita, pakaitwa hushereketwa apa. Mwana uyu anogona kunge akazvarwa mushure mekunge amai vake vararwa nezvikwambo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links