Handidhakwe: Johnson

30 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
Handidhakwe: Johnson DUSTIN Johnson

Kwayedza

DUSTIN Johnson

DUSTIN Johnson

SHAsha yegorofu, Dustin Johnson, ari kutsika madziro kuti haatore zvinodhaka zvakaita secocaine zvichitevera kumiswa kwaakaitwa zvemitambo apo akabatwa kuti aishandisa zvinodhaka zvisingatenderwe. Chizvarwa chekuAmerica, Johnson, anoti akatadza kupinda mumakwikwi eRyder Cup muna Chikunguru gore radarika achiti ainge achida kumbogadzirisa zvainetsa muhupenyu hwake.

VeGolf.com vakati Johnson ainge ambomiswa kuita zvemitambo kwemwedzi inokwana mitanhatu apo akabatwa kuti aishandisa cocaine pamuchina unovhenekeswa vatambi.

“Ndakanga ndisina kana dambudziko rekudhakwa, ndine nyaya dzangu asi zvecocaine handizvo zviri kundishungurudza,” akadaro.
Zvakadaro, Johnson anoti aimbonwa doro zvakadarikidza pano neapo uye zvaimbomutadzisa kudzikamisa pfungwa asi akazotsvaga vanobatsira pakuchengetedza hutano pamwe nemachiremba kuti vamuyamure kupedza dambudziko rekudhakwa iri.

“Handishuvire kumuka ndiine bhabharasi uye ndaisanyanya kudhakwa zvembiri,” akadaro Johnson. Johnson anoti, akabatana neshamwari dzake dzaanodzidzira nadzo kunhandare yegorofu yeSherwood County Club, vainge vabhejerana $1 000 naWayne Gretsky uyo waari kutarisira kuroorera kuti aisazonwa doro kusvika mwedzi waNdira wapera.

Muchinda uyu akahwinha makwikwi ePGA Tour kanokwana kasere uye ndiye ari panhamba yechipiri pakutamba zvinodakadza kudarika vamwe vatambi vekuAmerica. Achionekana nevatsigiri vake mwedzi mitanhatu yadarika, Johnson akati aitarisira kudzoka asimba achiti zororo raainge atora raifanira kubatsira pakuzorodza pfungwa dzake pamwe nekusimbisa nemuviri wake.

Sangano rePGA Tour rine mbiri yekusaburitsa pachena zvinenge zvabuda panoongororwa ropa revatambi vanenge vabatwa kuti rine mishonga isingatenderwi.

Mugwaro ravakaburitsa muna Nyamavhuvhu gore rakapera, vePGA Tour vakati Johnson ainge ambotora zororo ega uye zvainge zvisina kukonzerwa nekuti ainge ambomiswa kuita zvemitambo nesangano iri.

Johnson anoti ari kutarisira kupinda mumakwikwi eTorrey Pines musi waKukadzi 5 uye ari mudenga rechinomwe zvichitevera kubatsirwa kwakaitwa mudzimai wake, Paulina Gretzky, nemwanakomana wekutanga musi weMuvhuro svondo rino. — BBC Sport News.

Share This:

Sponsored Links