‘Handiende, ndinogarira imba yangu’

02 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
‘Handiende,  ndinogarira  imba yangu’

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu
MUKADZI wekuendeswa kudare nemurume wake achinzi anogara achimurikita kumurova nekumutukirira pazere vanhu anoti haazi kuzobva pamba paari kunzi abve sezvo musha wacho vakauvaka vose.

Reasons Zimbume akaendesa Irene Chadambura kuHarare Civil Court achiti ari kumushaisa rugare.

“Mukadzi uyu ngaabve pamba pangu, anondirova, kundityisidzira nekundinyadzisa pakazara vanhu. Ndave kutoshaya kwekufambira,” anodaro.

Anoti haaone chikonzero chiri kuita kuti Chadambura arambe kubva pamba pake sezvo pasisina chaangagarire nekuti pavana vavo, hapana achiri kugara pamba apa.

“Chaari kurambira akagara pamba pangu ndiri kutochishaya nekuti vana vedu vabva zera. Haana chaachada kubva kwandiri, kana vana achida kuvaona anoenda kwavari kugara,” anodaro Zimbume. Chadambura anoti haabve pamba apa nekuti imba yacho vakaitenga vose.

“Kubva pamba handibve nekuti imba takatenga tose muwanano yedu. Vanofanirwa kubva pamba apa ihanzvadzi dzake dzinogara dzichindishungurudza nekuti dzinoda zveruzha zvekungorwa nevanhu,” anodaro Chadambura.

Mutongi Nyasha Marufu akapa vaviri ava magwaro edziviriro pamumwe nemumwe wavo.

Share This:

Sponsored Links