‘Handina kubhinya mwan’: ‘zvikwambo zvinobata chibharo’

31 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Sukulwenkosi Dube-Matutu ari kuGWANDA

MURUME wekuKezi ane makore 52 okuberekwa —uyo ari kupomerwa kubata chibharo mwanasikana wake ane makore 11 kaviri — ari kuramba mhosva iyi achiti mwana uyu akabhinywa nezvikwambo.

Murume anogara mubhuku raTshelanyemba uyu ari kupomerwa mhosva yekubata mwanasikana wake chibharo uyo waasingagare naye.

Anonzi akapara mhosva iyi apo akange ashanyirwa nemwana uyu.

Zvinonzi murume uyu —uyo watisingadome zita rake nekuda kwekuchengetedza kodzero dzemwanasikana wake — akabhinya mwana uyu kaviri, vari pamba nepavaibva kuchechi.

Murume uyu anoramba mhosva yaari kupomerwa apo akamira pamberi pemutongi mukuru wedare reGwanda Magistrates’ Court, Mark Dzira.

Kutongwa kwenyaya yake kuri kuenderera mberi apo anenge ari muchizarira.

Mukuzvidzivirira, murume uyu anoti haana kunge aonana nemwanasikana wake mumazuva aari kupomerwa kuti akamubata chibharo.

“Musi wa13 Kubvumbi ndakapedza zuva rose ndiri pabasa uye handina kuona mwanasikana wangu sezvo asina kundishanyira sezviri kutaurwa. Munguva dzehusiku, ndakatambira nhare ichiti mwanasikana wangu akange achiita zvinhu zvisinganzwisisike apo anonzi akatiza kubva mumba achibuda nepahwindo achiti pane zvikwambo zvaimurwisa.

“Musi uri kunzi ndakamubata chibharo tichibva kuchechi handina kuita sekudaro. Ndakapedza zuva rose ndichiraura hove neshamwari yangu uye ndakazotora dzimwe hove ndikaenda nadzo kunogara mwanasikana wangu ndikanodzisiya ikoko apo aive nemunhu waanogara naye.

“Sezvo akarwiswa nezvikwambo, zviri pachena kuti ndizvo zvakamubata chibharo, kwete ini,” anodaro.

Murume uyu anoti akashamisika achiona mapurisa achisvika pamba pake vachiti vainge vamusunga nemhosva yekubata mwanasikana wake chibharo.

Muchuchisi Pearson Chekeya anoti murume uyu anonzi akabata chibharo mwanasikana wake ari kuita Grade 6 nemusi waKubvumbi 13 na14.

“Musi wa13 Kubvumbi mwana uyu anonzi akashanyira baba vake kumba kwavo sezvo vasingagare pamwe chete. Baba vake vanonzi vakati auye muimba yavo yekurara ndokumubata chibharo. Vanonzi vakamutyisidzira kuti asawane waanotaurira nezvechiitiko ichi.

“Muzuva rakatevera, zvinonzi mwanasikana uyu akaenda kuchechi nababa vake uye pavakange vodzoka, vakamuti avaperekedze kunotsvaga huni musango. Murume uyu anonzi akabata zvakare mwanasikana wake chibharo ndokubva amuudza kuti aende kumba,” anodaro.

Muchuchisi Chekeya anoti gure iri rakazobuda pachena musi wa21 Kubvumbi apo imwe hama yemwana uyu yakaona achinetseka kufamba.

Mwana uyu akabva ataura zvainge zvaitika.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa murume uyu achibva asungwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey