Handinzwe kuda murume wangu

16 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Bvunza Kwayedza naSekuru Mutanga

MUBVUNZO:

Ndiri mudzimai ane makore 27 okuberekwa, ndakaroorwa uye ndine vana vaviri. Dambudziko rangu nderekuti handichanzwe kuda murume wangu kana tiri mumba huru. Kana iye murume asina kunditanga, tinongorara chero kwemwedzi wese. Handizive kuti chii sekuru. Ndibatsireiwo mumba mangu hamusisina rudo.

Mhinduro:

Iwe muzukuru nevamwe vangava nedambudziko serako, mukaona wasvika pakusema murume wako kana kusanzwa kumuda mumachira, ziva kuti pava nenyaya. Zvikaramba zvakadaro imba yenyu inotoparara nekuti kana iye murume wako anenge otofungira kuti uri kugutswa kunze. Murume uyeyo anogona kuguma atsvaga mumwe kana vamwe vakadzi kunze – opedzisira ava nebarika kana kuti aunza chirwere mumba.

Uyu unogona kune uri mweya wakaipa uri pauri kana kuti pamurume wako. Mweya iyi inogona kukuita kuti useme murume. Pamwe pacho unotozviona kana kuhope apo unenge uchiitwa mukadzi nevamwe varume asi usingafarire wako murume.

Ipapa ndipo paunotorerwa chidokwadokwa chekunzwa kuda murume wako nekuti unenge wongodanana nemweya yengozi kana kuti nezvikwambo zvinenge zvakaturikwa pauri. Kazhinji mweya yakadai inoita zvekusairirwa kwauri nevavengi vako, vamwe nekuda kweruchiva kana kungokuitira hutsinye hwekuti usagare zvakanaka nemurume wako.

Asiwo dai kwanga kuri kuti wakura taiti zviri kukonzerwa nezera rawava nekuti pane paunosvika zera rekusafarira murume. Zvino iwe uchiri mudiki, ropa rako richiri kupisa saka inyaya yemweya yakaipa bedzi. Chaungaite ndechekuti ufambe nevechikuru vekwako, mubvunzire muchivanhu kuti hapana zvawakaitwa here. Endai kuvanhu vanokwanisa kubatsira uye ngwarirai matsotsi avo vanogona kuguma voda kuenda newe pabonde zvikazoita nepamwe. Sangano reZinatha rinogona kukupa shasha dzinozvigona.

Ndinokukurudzira kuti usazombotora mishonga kana mapiritsi ekuti unzwe kufarira murume nekuti izvi zvine matambudziko akaifanana nekunyuka kwezvirwere izvo zvinozokutambudza pamberi.

Ukashandirwa nemazvo, dambudziko rako rinopera uchitozofadza murume wako.

 Bvunza Kwayedza pa: 0775 421 949 kana 0715 942 183

Facebook: Sekuru Elisha Mutanga

Instagram: @sekuruelishamutanga_official

Twitter: @sekuruelishamutanga

Share This:

Sponsored Links