Handisati ndapera: Mai Sorobhi

23 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Handisati ndapera: Mai Sorobhi

Kwayedza

Abel Ndooka —
SHASHA yakambonetsa zvikuru mumitambo yemadhirama aisetsa pamwe nekudzidzisa zvehupenyu, Rhoda Mutembe, uyo vazhinji vanoziva saMai Sorobhi – vanoti havasati vapera uye pakukura kwavo vaifarira kutamba nhabvu zvekuti vaigona kunge vakatambira maMighty Warriors kudai chikwata ichi chakaumbwa panguva yavo.

Mai Sorobhi vakapinda mumadhirama anosanganisira Parrafin, Ngoromani naGo Chanaiwa Go. Vanoti havasati vapera mune zvemadhirama sezvo vakawana mukana vanodzoka zvine mutsindo.

“Mikana yandakamirira chete, ndima yakamuka tinoirima zvekuti mega munoshamisika,” vanodaro.

Mai Sorobhi vanoti vaifarira nhabvu zvakanyanya izvo zvakazoona vachidaidzwa nezita remadunhurirwa rekuti ‘Red for danger’ nekuda kwehunyanzvi hwavairatidza munhandare.

“Vanhu vanongoziva ndichiita zvemadhirama asi mukukura kwangu kuChimanimani ndaitamba nhabvu uye ndainge ndiri shasha izvo zvakaona ndichitumidzwa zita rekuti Red for danger.

“Zvemitambo yakasiyana zvaingove mandiri izvo zvakazondituma kupinda mune zvemadhirama,” vanodaro.

Mai Sorobhi vakazvarirwa kwaMutambara kuChimanimani mumhuri yaive nevana 14 uye vakadzidza ikoko. Parizvino vari kugara kuKuwadzana Extension muHarare.

Vanoti pavakatanga kuita zvemadhirama, rimwe zuva vakanzwa zvichinzi munyori wemabhuku ane mukurumbira Aaron Chiundura Moyo achange achitenderera munharaunda dzakasiyana achitsvaga vatambi vemadhirama.

Chiundura Moyo paakauya, vanodaro Mai Sorobhi, vakaita mitambo yavo ndokusarudzwa vari vashanu vakatakurwa kuendwa navo kuZBC uko vakazosangana naAgnes Gwatiringa uyo aitsvaga mudzimai mumwe chete kuti azove mutambi ari mudzimai waParrafin mudhirama iri.

Mai Sorobhi sekutaura kwavo vanoti “vakatsvaira mamwe madzimai vese vana” ivo ndokusarudzwa kuti vazove mudzimai waParrafin mudhirama iri.

“Patakatorwa naChiundura Moyo, takaenda tiri vashanu uye ini ndichiona vamwe vainge vauya ndakambozvibvunzawo ndega kuti ndinopinda here apa asi ndakabata basa sebasa ndokusarudzwa kupinda mumutambo waParrafin,” vanodaro.

Dhirama raParrafin rakanetsa zvikuru apo Mai Sorobhi vaizivikanwa semudzimai aidya marasha. Vanoti chinangwa chemadhirama avo chaive chekudzidzisa vanhu zvinhu zvakasiyana zvinoitika muhupenyu.

“Kana muchiita dhirama, ngarive rinodzidzisa vanhu kwete kungoita dhirama pasina chamadzidzisa. Ndinoona hangu iye zvino mamwe madhirama aveko vanhu vanotozvirakidza vega kuti vari kuekita shoko riya ramange muchiedza kuparidza roshaya basa,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Ivo vatambi vemadhirama ngavasaome musoro zvavanenge vachinzi itai izvi nevanobika madhirama itaiwo ka kuti zvibude!”

Vachitaura pamusoro penyaya yekudya magaka kwavaiita mudhirama raParrafin vanoti, “Zvaive zvemudhirama chete. Ini ndiri mai uye mbuya. Ndiri munhu akazvinyararira uye ndinoda zvekufara chaizvo.

“Muno muKuwadzana mandinogara ndinozivikana sambuya nekuti ndinoraira vechidiki kuti vave nehupenyu hwakanaka. Ini basa rangu, ndikataura nemunhu ndinomudzidza kuti uyu ane dambudziko rake rinoda kubatsirwa ndotomuraira kuti ita izvi kuti ubatsirwe.” vanodaro.

Mai Sorobhi vakaroorwa kwaMutembi uye vane vana vanomwe nemurume wavo – vakomana vaviri nevasikana vashanu.

Muzukuru wavo, mwana wemwanasikana wavo, Admire Kuzhangaira ndiye ave kutevera matsimba avo munyaya dzemadhirama. Kuzhangira anoekita saBhutisi mudhirama riri kunetsa zvikuru mazuva ano rinonzi Muchaneta.

Vachitaura pamusoro paKuzhangaira, Mai Sorobhi vanoti, “Admire ndiye wandakasiira nhaka yangu yese yemadhirama. Ane tarenda rinonwisa mvura uye maekitiro ake anosetsa zvikuru. Ane misikanzwa Admire, akauya kwandiri akati gogo ndave kuita zvemadhirama saka ndichauya nawo ndokupai mozopota muchindiudza pandinenge ndakanganisa mondiraira kuti ndogadzirisa sei.”

Zvakadai, Mai Sorobhi vanoti kuburikidza nemadhirama vakakwanisa kutenga imba yavari kugara kuKuwadzana uye vanopa kutenda kukuru kuna Gwatiringa uyo aivabatsira zvikuru kuti vasimukire muhupenyu hwavo.

“Gwatiringa aiziva zvaaiita mudzimai uya, aisada kuti titambudzike kana masitendi edzimba aimhanya-mhanya kuti tsvagira.

“Kana mari yedu yauya aititora toenda kudhorobha otikurudzira kuti tengai materevhizheni musaite maTV ekuonera kune dzimwe dzimba. Izvi zvaitibatsira zvikuru kuti tisimukire muhupenyu hwedu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>