Uncategorized

‘Handisi bhiridha ini, ndiri musvuuganda’

24 Jul, 2015 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Memory Lemani
MURUME wekudhonzerwa kudare neaimbova mukadzi wake nenyaya yemendenenzi achinzi haazi kuriritira vana vake kunyangwe achiwana mari yakawanda sezvo ari bhiridha, akachema-chema achizviti musvuuganda dzvinyu risina gushe uye anorarama nekuita maricho kumusha kwake kwaMurehwa.

Chipo Muchuweti akaendesa Passmore Madziya kuHarare Civil Court achida mari yemendenezi yevana vaviri.

“Ndashaya mufaro nezviito zvemurume uyu. Handizivi kuti anoda kuti ndiite sei ndiri ndega pakuriritira vana. Kubva zvatakarambana haana kana kumbounza kana kobiri rekutengera vana sipo kana hupfu. Ndini ndinotoona kuti vana vadya, vapfeka uye kana varwara ndini zvakare ndinovarapisa. Handizivi kuti anoda kuchengeterwa nani vana vake. Ava kuita zvekundiramwira vana vatakaita tose,” akadaro Muchuweti.

“Handioni chinomutadzisa kuriritira vana vake nekuti ndibhiridha anotowanawo mari yakawanda. Pataimbogara tose aigona kuuya ne$300 kana $400 pamwedzi. Varume vakadai ndivo vanozoda kukambira kana mwana azovawo munhu pamberi apo.”

Madziya akaudza dare kuti haasi kuramba kuchengeta vana vake asi kuti zvinhu zvakamuomera.

“Ishe wangu, handina kuramba kuriritira vana vangu asi kuti kutoshaya chaiko ndiko kuri kunditadzisa. Pandiri pano handina kana zvandinoita muupenyu nekuda kwekuti ndakakuvara gumbo. Inhema kuti ini ndiri bhiridha, ndakagumira Grade 7 zvekuti handina kana ruzivo rwekuti kuvaka kunoitwa sei.

“Ndatouya ndichibva kumusha kwedu kwaMurehwa nekuti ndiko kwandinogara. Harare chaiyo handitoizivi zvekuti kutosvika kwandaita kuno ndanga ndichitobvunza-bvunza vanhu,” akadaro. Madziya akati anorarama nekuitira vamwe vanhu mabasa akaita sekuvaka matanga emombe.

“Ipo pandiri pano shangu dzandakapfeka ndiye mudzimai uyu akanditengera akauya nadzo paakazondipa mapepa ekuti ndiri kudiwa kuno kudare,” akadaro Madziya.

Mutongi Barbra Mateko akati nyaya yevaviri ava yaizodzoka mudare zvakare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey