Handisi murondatsimba: Chipara

21 Aug, 2014 - 09:08 0 Views
Handisi murondatsimba: Chipara

Kwayedza

MUIMBI wesungura ari kusimukira, Tendai ‘Dotcom’ Chipara, uyo anotungamirira chikwata cheRamangwana Musica, oramba mashoko ekuti ndimurondatsimba ayo ari kutaurwa nedzimwe nhengo dzeUtakataka Express zvichitevera kubura kwaakaita dambarefu rake rechina rinonzi ‘Zvakutapira’.

Chipara ari kupomerwa nedzimwe nhengo dzechikwata cheUtakataka Express chinotungamirirwa naPeter Moyo kuti ari kuba mhanzi yababa vaPeter, mushakabvu Tongai Moyo.

Muhurukuro naChipara svondo rino,  akabuda pachena kuti akadzidza zvakawanda kubva kune mushakabvu Tongai Moyo pamwe naLeonard Dembo izvo zviri kukonzera kuti vamwe vanhu vafunge kuti ari kuba mhanzi yevashakabvu ava.

“Ini ndiri muimbi akazvimirira, mhanzi yangu ndinozvinyorera ndega handibire vamwe vaimbi.

“Muindasitiri iyi unotodzidza zvakawanda kubva kune vaimbi vakawanda vane mukurumbira, vashakabvu pamwe nevari kurarama.

“Ini ndakadzidza zvakawanda kubva kunaDembo pamwe naDhewa (Tongai Moyo), ndiyemura mhanzi yavo zvikuru saka hapana chandinoona chakaipa kana ndikavarangarira apo pandinotsikisa.

“Dhewa chaiye akadzidza zvakawanda kubva kuna Dembo saka ini hapana chandinoona chakaipa kuyemura mhanzi yavo vese pamwe neye vamwe vaimbi.

“Vanonditi ndiri kuba mhanzi yemushakabvu Dhewa pane here pavakambonzwa mhanzi yacho iyi ichirira?,” akadaro Chipara.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey