‘Handisi shoroma, ndinokoma mapoto’

03 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

Yvonne Chipato
MUKADZI wekunyeperwa neaimbove mudiwa wake kuti ishoroma akazoshamisika mudare audzwa kuti anoita basa rekukoma mapoto achitengesa.
Veronica John akamhan’arira Itai Shonhiwa kuHarare Civil Court achiti anoda mari yemendenenzi yekuriritira mwana wake.

“Changamire, baba ava havasi kuchengeta mwana wavo. Ndiri kutambura ndiri ndega pakuriritira mwana asi ivo baba vake vari vapenyu.

“Ndinoda kuti dai andipawo $50 pamwedzi woga-woga sezvo ari munhu anowana mari yakawanda kubasa kwaanoshanda. Akandiudza kuti anotambira $600 pamwedzi saka mari yandinoda iyi ishoma kwazvo kwaari, anoikwanisa,” akadaro John.

“Zvake zvaanotaura zvekuti haaende kubasa manyepo nekuti pandaidanana naye airatidza kuita munhu ane mari. Ndiri kutoshamisika kuti anoti anokoma mapoto nematini sei nekuti pese pataidanana ainditengera zvese zvandaida.”

Shonhiwa akati mari yaidiwa naJohn yakawandisa, hakuna kwaanoiwana sezvo ari kutodyawo nhoko dzezvironda.
“Mari yataurwa iyi handina kwandinoiwana. Ndiri murume ane mudzimai nevana vaviri vanoda kuriritirwa neni.

Hakuna kubasa kwandinoenda, ndinotorarama nemabasa emawoko ayo anongondipa mari yekurarama chete. Mari yandinokwanisa kumupa i$20 chete sezvo ndichiwana $80 pamwedzi kana mapoto angu anyatsotengwa asi imwe nguva ndinotowana $30 pamwedzi. Zvese zvaanotaura kuti ndinowana mari yakawanda manyepo, hakuna kubasa kwandinoenda,” akadaro Shonhiwa.

Mutongi Barbra Masinire akati nyaya yevaviri ava yaizodzoka mudare zvakare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey