Uncategorized

‘Handisi wemapoto, akatondiroorawo’

04 Jul, 2014 - 00:07 0 Views

Kwayedza

MUKADZI wekudhonzera murume wake kudare nenyaya yemendenenzi akachema-chema achiti havasi kuchaya asi kuti vakaroorana zviri pamutemo nekudaro zvinomunetsa kuti sei murume uyu, uyo achena musoro, asingade kuchengeta mhuri yake.
Durai Bandera akamhan’arira S’bangani Bandera kuHarare Civil Court achiti vanzwa nekubatirwa mari yezvikwereti zvaiparamurwa nemurume wake asi mari yacho asingaone zvainenge yashanda.

“Ndauyawo pamberi penyu nekuti murume wangu andinetsa nekusachengeta vana. Iko zvino mange mati titaurirane asi zvakona nekuti baba ava vakaoma musoro, vanga vachitonditi imi shandai mari yenyu mega.

“Ndanga ndichitoda US$500 asi ndazongoti vandipe US$300 zvimwe zvinenge zvashota vanozoonawo sababa vemba. Makadhi ekubhanga vakangondipa zvezita asi mari yese ndivo vanotora uye handitombozive kuti inoshandei.

“Hameno kuti vedare munozvionawo sei kuti baba vachena musoro kudai havachada kuchengeta vana neni mudzimai wavo,” akadaro mukadzi uyu.

Akati murume wake anoita basa rekutora mari yechikwereti kubhanga pasina chainoshandiswa chine musoro.
“Aiwa kani baba inga takaroorana zvakanaka tine muchato wedu. Hatisi kubika mapoto saka ngatiregei kuita zvinhu zvinoshaisa vana vedu chimiro kushamwari dzavo,” akadaro Durai.

S’bangani akapikisana nezvaitaurwa naDurai achiti mhuri yake anochengeta uye anobhadhara US$350 yerendi pamwedzi.

“Ndikamupa mari yemendenenzi handizokwanise kuvabhadharira mari yerendi. Ini ndinoda kuti tingogare sezvatinoita tichionerana pamwe chete semhuri.

“Mari yandinokwereta ndinoshandisa mumba imwe yacho tinobhadhara yevana yechikoro. Ivo kana vachida mari yakawanda yekushandisa mumba ngavabude muimba inodhura vatsvage yakachipa,” akadaro S’bangani. Akati anotambira US$300 nekuti mari zhinji inoenda kuzvikwereti.

Mutongi Tafadzwa Muvhami akati S’bangani abhadhare US$70 pamwedzi yekuchengeta mhuri yake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>