Hanga: Kudya namambo

20 May, 2016 - 00:05 0 Views
Hanga: Kudya namambo

Kwayedza

ZVIRI MUGAPU
NYAMA yehanga mudya ndakasunga chaiwo kana ichinge yabikwa zvine hunyanzvi.

Svondo rino tinavo zvakare Mai Plaxcedes Muteyiwa (47), avo vanova nyanzvi pakukaringa paimwe nzvimbo yekutandarira iri muHarare vachitsanangudza mabikirwo enyama yehanga.

ZVINODIWA:

Chekutanga, uraya woundura manhenga ehanga. Igeze zvekusara yachena wozoicheka kuita zvidimbu zvidiki.

Chiisa chipunu chemafuta mupoto wokanga kusvika zvatsvukirira. Mushure mezvo, chekerera matomatisi nehanyanisi wokanda pamwe nemunyu wakaringana. Kana zvichinge zvaita muto wakakorerera, wedzera tumvura wosiya zvichikwata kwemaminitsi gumi nemashanu. Muto unofanira kusara wakakororera uye musaise masipaisi.

ZVEKUDYISA:

Nyama yehanga inodyiwa nesadza jena, remhunga, rezviyo, remapfunde kana mupunga une dovi zvichinaka zvikuru. Munogonawo kuisa muriwo wemutsine, kovho kana kuti bhinzi necheparutivi kuti zvifambirane.

Share This:

Sponsored Links