Uncategorized

‘Hanger’ yekusota pfambi

11 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
‘Hanger’ yekusota pfambi Prophet Miracle Paul vakabata hanger yavanoti ndeyeminana

Kwayedza

Abel Ndooka
MUMWE muporofita wechechi iri kuChitungwiza anoti anoshandisa hanger mukuita minana inoita kuti varume kana vakadzi vanenge vatiza muwanano vachinoita chipfambi vadzoke kumba.Anotizve hanger iyi inogona kuti munhu adzoserwe chikwereti chake.

Prophet Miracle Paul veNew Revelations Ministries vakataura mashoko aya pamhemberero dzeNight of Crossover dzekupinda mugore idzva ra2019.

Hanger iyi, sekutaura kwaProphet Miracle Paul, inodzosa murume kana mudzimai anenge akatiza kumba achinoita chipfambi.

Vanoti murume kana mudzimai anenge akatizwa anotora hembe dzemumwe wake odziisa pahanger iyi, mushure memazuva matatu kana mana anofanirwa kudzoka kumba uye haazodzokere zvakare kunoita zvechipfambi.

Kwayedza yakabvunzurudza Prophet Miracle Paul nezvehanger iyi kuti zvakambotanga sei?

“Zvamunoona dzimba dziri kuparara mazuva ano nekuda kwavanababa nevamwe anamai vari kuita gumbo mumba gumbo panze. Saka Mwari havafare nazvo, ichi ndicho chokwadi.

“Kune zvirwere saka mhedzisiro yegumbo mumba gumbo panze zvirwere uye vabereki mukatapurirana zvirwere izvi dzimba dzoparara, vana vanosara vave nherera. Saka hanger iyi ichavakiridza dzimba.

“Mukadzi kana murume akatizwa akatora hanger iyi akaenda nayo kumba kwake onoisa hembe yemudikani wake, mumazuva matatu kana mana anenge adzoka chete kumba uye haazombotize zvakare,” vanodaro Prophet Miracle Paul.

Vachibvunzwa kuti hanger iyi yakasiyana chii nemupfuhwira, Prophet Miracle Paul vanoti zvakasiyana pakuti hanger inoumba mhuri kuti isaparare uye inobatsira kuderedza chipfambi muwanano.

“Pamirayiro yegumi yatakapihwa naMwari, inotaura kuti tisapomba kana kuchiva. Isu semaporofita akatumwa naJehovha kuzoparidza shoko rake, tinokurudzira kuti vanhu ngavasiyane nehupombwe, hauna kumbonaka zvachose. Ichi chitadzo chikuru,” vanodaro.

Vanoti kunze kwekuumbiridza wanano, hanger iyi inobatsira zvakare kuti munhu adzoserwe chikwereti chake.

“Kune vanhu vasingade kubhadhara zvikwereti zvekuti vanotemesa vamwe misoro. Saka munhu ari kuda kudzoserwa chikwereti chake tinomupa hanger iyi onyora zita remunhu ari kurambira nechikwereti oisa ipapo. Mumazuva matatu chikwereti chinenge chakadzoka,” vanodaro Prophet Miracle Paul.

Share This:

Sponsored Links