Hapana chekumirira apa

04 Jan, 2019 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
ZVIPO zvakaita kudirwa munguva yeKisismusi uye mbatya itsva dzikapfekwa haikona zvekutamba. Iyo mimhanzi yakadandaurwa vanhu vakatsika pasi zvakaoma. Kwaisadanwa ainzwa nekuti yakanga iri nguva yacho.Vamwe vaikoriwa nemhamba munzvimbo dzekutandarira. Vamwewo vakaenda kumamisha kuti vanofara nehama neshamwari.

Gore idzva rakarindirirwa vanhu vakafara kupinda muna 2019.

Asika, chimwe nechimwe chine nguva yacho. Nyaya yedu yechikororo inodzokazve yotibata tichibva mukuswaradza kwese kwatange tichiita. Ndinodaira kuti vose vakanyora bvunzo dzegwaro rechinomwe vakatotsvaga nzvimbo dzekuzvikoro zvepamusoro vakadziwana uye vakabhadhara mari nekutenga manyufomu.

Kana kune vasati vapedza kuita izvi vari kumashure kwenguva. Rinoda kugamhwa richabva Hwedza nekuti mukarivara munopedzisira mongoenda chero muzvikoro zvamusingade.

Kune vaya vakapedza havo ndinoti chigadzirirai mabhuku anodiwa chirwere chaNdira chisati chabata nekuti zvinozogona kuperevedza. Kune vaya vanga vari murugwaro rwechitanhatu, ndimika mava kupinda mugwaro rechinomwe. Ndimi vatanga takamirira kuti tibatane tigosimuka pamwe.

Tinoda kubva tangoziva kuti nguva yacho ndiyoyi yekupinda muchitima chinotisesedza kubva Ndira uno kusvika muna Gumiguru apo tinozoburuka mushure mekunyora bvunzo. Zvinodawo gadziriro tisati tambovhura zvikoro kwete kuzotanga kumhamhanya kwasara mazuva mashoma. Tsenzi inogara yateya.

Garai matsvaga mabhuku anodiwa pagwaro rechinomwe. Izvi hazvinetsi nekuti mabhuku aya akatonyorwa kuti ndeapi anopinda muchirongwa chino. Mukutenga magwaro aya tinofanirwa kuwandira mukutenga edzokorodzo (Revision) nekuti basa redu regwaro rechinomwe rinonyanyoda dzokorodzo.

Ngatisasiyawo kutenga mabhuku edzokorodzo dzechiShona nekuti tinoona vanhu vachimhanyira kutsvaga ezvimwe zvidzidzo asi eShona vachisiya. Kuona kwangu izvi zvinobva mukudherera chiShona kuti chakapusa. Ndizvo zvakonzera kuti goho revamwe vana risafamba zvakanaka nekuda kwekusabuda zvakanaka muchiShona.

Ndinoda kutora mukana uno kuti ndikuyambirei kuti chero zvazvo chiShona chakaitwa zvakanaka munyika yese, vanhu vakanopasira pakati chaipo kwete kuzvibodzwa zvakasimba zvekutanga.

Vashoma vana vakabuda neimwe (1). Vazhinji vakawandira muzvibodzwa zvitatu (3) kusvika kuzvishanu (5). Izvi zvaibva zvakanda goho remwana kure ozotadza kupinda pachikoro chine mukurumbira.

Zvinotangira mukusatora chiShona nehukoshwa hwacho.

Chimwe chinhu chinobatsira kugadzira faera (file) ramapepa akaitwa muzvikoro zvakasiyana kubva mugwaro rechishanu kusvika rechinomwe.

Ngarifute faera iroro nekuti imbuva yamangwana. Usasarura mapepa uchitsvaga emabhiza (multiple choice). Tora ose neanogozha epiri aya nekuti ndiwo anonyanyodiwa kudzokorodzwa.

Zvino chitsvaga tubhuku tuviri tutatu kana uchikwanisa twenyaya dzakanyorwa dzechiShona (short novels).

Share This:

Sponsored Links