Hapana chinouya chega: ‘Zim is open for business’

06 Apr, 2018 - 00:04 0 Views

Kwayedza

KANA mumusha mapinda nzara, mumatura musisina chinhu, vana amai vedu vanoziva kuti havangopeti mawoko vonogara mumumvuri vachimirira kuti pachangoitika munana, matura oerekana azara chikafu. Madzimai akarongeka atinoziva anombobata muchiuno, odzungudza misoro, asi uku kunenge kusiri kubata musoro kwokuti munhu apererwa zvachose.

Pfungwa inenge iri pakuti ndotangira papi? Ndondokwereta here kana kuti ndonoita marikicho kuti mhuri irarame?

Kana muri mumadhorobha, munhu anenge ave kufunga kuti kana akangowana yokutanga nayo, anokwanisa kunohodha zvinhu zvokutengesa. Ndihwo upenyu hwacho hwokuziva kuti hapana chinouya chega. Kana mushana chaiwo unototsvaga pauri wonozambira.

Zvimwe chete nenyika yedu yeZimbabwe.

President Emmerson Mnangagwa vakaziva kuti vatora mhiko dzokutonga nyika ine zvakawanda zvinoda kugadziriswa. Vakaziva kuti ruzhinji rwavanhu havana chokubata, kana kuti vari kungoita zvehwaku-mukwaku kuti zviite, asi kuumba upenyu hune budiriro chaihwo hapana.

Pavakagadzwa muna Mbudzi wegore rapera, vakabva vangotanga nokuti maonero nemaitiro ezvinhu ngaasanduke. Vakabva vataura kuti chikuru chichasusukidzwa neHurumende yavo kutanga kusora hushamwari nenyika dzange dzave nemakore dzisingade kushamwaridzana neZimbabwe, mushure mokunge kwaitwa hondo yeminda.

Nyika dzokumadokero kunyanya, dzakatemera Zimbabwe zvirango zvoupfumi, saka mukufamba kwenguva, zvirango zviya zvakanyatsoonekwa kuti hazvina kunanga vatungamiri veHurumende yeZanu-PF, kana vari muZanu-PF chete.

Zvakabuda pachena kuti zvishoma nezvishoma, zvirango izvi zvakange zvichipaza upfumi hwenyika, kusanganisira vanhuwo zvavo. Ndokusaka mutungamiri wenyika vakati hazvigoni kuti tidzore upfumi hwenyika padanho rakanaka, kana tiine dzimwe nyika dzatingagone kuita bhizinesi nadzo asi tisingataudzane nadzo.

Ndokusaka hurukuro dzakavhurwa zvakare nenyika dziri muEuropean Union seBritain neAmerica, nokuti pasi rese nyika makwikwi kuita zvamabhizinesi kuona kuti vanhu vabudirira nokurarama upenyu hwakanaka, uyewo nokuve nemabasa netariro yakanaka mune ramangwana.

Ndokusakawo President Mnangagwa vakaona zvakakosha kuti vazarure nzira iyi yokuona kuti Zimbabwe idyidzane nedzimwe nyika munyaya dzezvoupfumi. Vanozviziva kuti vari kuenda kusarudzo muna July, sarudzo dzavanenge vachikwikwidza nevamwe vatungamiri vemamwe mapato kuti achava mutungamiri ndiani mushure mesarudzo. Asi vakaona kuti gwanza iri rikazaruka chete, Zimbabwe inenge yave padanho rapamusoro.

Ndokusaka taona kubva pavakagadzwa kusvika nhasi uno pavari kushanya kunyika yeChina, President Mnangagwa vari kufamba nevhangeri rimwe chete rokuti Zimbabwe yavhurika kuita zvemabhizinesi nenyika dzakasiyana-siyana.

Asi chapa Mukwende kuti atsondorodze izvi ndechokuti tine vanhu vanofunga kuti basa romutungamiri nderokugara muhofisi achingosaina matsamba, kazhinji kacho matsamba asina pundutso.

Kana mutungamiri wenyika akati ndave kuenda kunovhima, wonzwa zvaiitiorwei? Vanhu vane pfungwa yokuti vemabhizinesi vokunze ngavatoziva kuti kune Zimbabwe vari kunyika dzavo, vouya kuzoita bhizinesi nesu.

Vanokanganwa kuti chinhu chinonzi bhizinesi, makwikwi – watanga watanga.

Zimbabwe haingade zvokudadira vemabhizinesi iyo ichiona kuti zvizhinji zvinoda kugadziriswa, kutanga neraramo yevanhu.

Hapana chinouya chega, “Zimbabwe is open for business”.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey