‘Hapana kugarisana’

22 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
‘Hapana kugarisana’ President Mnangagwa vachipa mubairo kuna Tedious Chigumira naMilton Chinoda vanodzidza paMurambinda High School, kuBuhera, mushure mekunge chikoro chavo chawana mubairo weYoung Scientist Secondary School. - Mufananidzo naJustin Mutenda

Kwayedza

Tatenda Shuro
VAVAKIDZANI vakamisidzana mudare mumwe wavo achiti ari kuoneswa nhamo nekugarotukwa achinzi imbavha uye ipfambi nekuti akabereka vana nevarume vakasiyana.

Beauty Chikweva akamhan’arira Sharon Rutendo Nota kuHarare Civil Court achiti anomushungurudza nekumutuka.

“Vanondituka vachinditi ndosaka wakabereka vana vananababa vakasiyana uye uri pfambi. Izvi zvinondishungurudza zvokuti ndave kutoshaya mufaro,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Vanonditi ndakavabira zvekutoti takapedzesera tatoendesana kumapurisa uko vakanditi hatikwanise kukusungai nekuti hapana umboo.”

Achipawo divi rake, Nota anoti zvose zviri kutaurwa naChikweva manyepo.

“Handina kumbobvira ndavatuka asi kuti ndakafunga kuti ndivo vainge vaba pamba pangu nokuti ndivo nyakundiudza kuti vainge vaona mbavha dzichipwanya musuwo wepamusha pangu. Kubva pachiitiko ichi vainge vasisawanikwe pamba,” anodaro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Chikweva gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links