Uncategorized

Hapasi pese panonzi ‘hirrrrrr’ pana Mwari

27 Jul, 2018 - 00:07 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa

MAZUVA ano, chero munhu ane mota yake anogona kukumirira panzira okutakura. Asi kupinda mumota yemunhu wausingazive nechikonzero chekuti uri kuda kuenda kwauri kuenda, hakusi kungwara. Unogona kupinda mumota iyoyo wozoshamisika kuti haisi mota yemunhu, asi imota iri kutyairwa negudo.

Nyangwe ukaedza kuvhura musiwo wemota iyoyo, unogona kuona kuti wanonoka, panenge pasina chekuvhurisa. Paunoda kuridza mhere, unobva wanzwawo gudo riye richiseka kusvika rave kubuda misodzi.

Haasi wose munhu waunoona munyika muno waungavimbe naye. Haasi wose musikana wawasangana naye muHarare akatsvukiswa nemafuta uye ane wivhi waungati ndave kuroora.

Usangoti chero mukomana akukwazisa womusekerera nezvose zvauinazvo. Satani ari kufamba netsoka munyika yedu achiita zvinorova.

Nyaya yaTeacher vekupihwa muteuro wakazovaitisa mubobobo wekushereketa nevanhukadzi vasingazive nekushinha nevarume inosuwisa. Asi kune vazhinji vari kushereketerwa zvekusvika pakufa chaiko vakanyarara.

Nemhaka yei tichivimba nevanhu vatinongoona kana kunzwa kuti maporofita, isu tobva tatoti kwati kwati navo? Kubvuma kushama muromo wako uchinwa miteuro yawangowana yakagadzikwa paatari dzine makanda eshato kubvuma kupinda mugehena uchiti muhotera.

Hakasi kekutanga uye hakasi kekupedzisira  kuti tinzwe nyaya seyemurume wekupihwa muteuro wamupindukira uyu zvekuti wave kumuitisa mabasa anotyisa.

Unoti iwe kana ukaona wave kutizwa nembwa nekatsi uchiri munhu here? Kwete, uri munhu pakufamba nekuonekwa nevamwe vanhu, asi kiti nembwa zvinenge zvichitoona chikara chinoruma chakakugara.

Munamato wangu ndewekuti sezvo murume uyu ave kutaura oga kuti haachada zvinhu izvi, dai Mwari vamunzwawo. Nekuti kana ukange usisadye sadza kumba kwako, uchirara hope dzekushandiswa mabasa anorwadza zvekufuma wakaneta, unenge watove toolbox yaSatani.

Kana tikanzwa kuti kune n’anga kana muporofita anogadzirisa matambudziko, zvinhu zvinobatsira kuti timbobvunzisisa tisati tangowira mugomba rechimbuzi nemusoro.

Mukadzi waTeacher akanzwa kuti kune muporofita anosota.

Asi chatisingazive ndechekuti muporofita haasi mwana wamai vako. Kana vari maporofita enguva ino, havasisiri vekungopinda pavari semunhu ari kupinda muToilet achiti achasunungurwa. Mamwe maporofita akafanana netoilet dzinovimbisa kuti ukapinda wakasungikana, uchabuda wasunungurwa uye wave kufefeterwa.

Asi dzimwe toilet tanga watarisa kuti dzine zvese here usati wagara, nekuti uchashaya zvinobatsira wave mukati. Uchabuda uchinhuhwa, uchiteverwa nenhunzi uye vanhu vachisuduruka kuti usavakanganise.

Ndinozviziva kuti vanhu vanosangana nenhamo dzakawanda, asi hapasi pese panonzi hiriririri pana Mwari.

Jesu haaite zvehupombwe netsvina yechingochani. Anoti “Nyama haibatsire chinhu, asi Mweya ndiye anoraramisa. Mashoko andakataura kwamuri mweya uye hupenyu.”

Kana vanhu maenda kumaporofita erima aya, munongobvuma kuitiswa chero zvavanenge vati muite. Nyangwe munhu akanwiswa ropa haabvunze kuti iropa rei. Nyangwe akanzi tsvaga nyoka kuti ndigokurapa haaite nharo.

Regai kutyisidzirwa nekunyeperwa. Taurai kuti ndichambonofunga, mutize rima.

Teacher ava semunhu akadzidzawo vaifanirwa kuita nharo pavakatanga kurota horror yekuda kurumwa nenyoka ine muviri wembeva uye nekuyamwiwa negarwe. Ungabvume kuti hope dzinotyisa kudaro dzinoreva kuti uri kusimbiswa? Vanhu pepukai murege kubvuma kuchengeteswa madhimoni muchinzi kurapwa.

Matambudziko edu vanhu haagadziriswe nevanhu, asi anogadziriswa nemusiki wedu. Panyika pano tiri kurwa hondo nerima asi ngatichenjerere kupihwa zvombo nerima racho ratiri kurwa naro.

Chenjera kuti kurwisa zvikara murima newewo uchapedzisira wave chimwe chazvo. Tizai nzvimbo dzisinei naMwari murarame.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>