Harare Derby: Pakaipa

11 Jul, 2014 - 14:07 0 Views
Harare Derby: Pakaipa HARDLIFE Zvirekwi

Kwayedza

HARDLIFE Zvirekwi

HARDLIFE Zvirekwi

NZIRA dzose svondo rino dziri kunanga kuNational Sports Stadium uko makara asingaonane emuHarare, Dynamos FC neCAPS United,  achange achirwira hukuru hwekuenda pamusoro peligi reCastle Lager Premiership pamumutambo uri kudanwa kuti ‘Harare Derby’.Zvikwata zviviri izvi zviri kufemerana mugotsi muligi uye zvese zvine zvibodzwa 26 asi Kepe-kepe iri pasi peDeMbare nekuda kwezvibodzwa zvakanwiswa (goal-difference).

Zvese zviri kurwira kuti zviende pamusoro peHighlanders iyo iri pamusoro pazvo nechibodzwa chimwe chete. Highlanders  ichasanganawo neBantu Rovers svondo rino musi weSvondo kuBabourfields.

Zvakadaro, kunhandare yeNational Sports Stadium kunotarisirwa kutsva demo kugosara mupinyi nekuti pose panosangana Kepe-Kepe neDeMbare inenge iri batai-batai.

Makore adarika, DeMbare ndiyo yange ichingokwapaidza Kepe-kepe asi gore rino zvinogona kushanduka sezvo Kepe-kepe parizvino iri kutamba nhabvu inodakadza.

Gore rino, Harare Derby ichauya masvondo akatevedzana nekuti mutambo wesvondo rino uchipera zvikwata zviviri izvi zvichasangana zvekare svondo rinotevera mumutambo weHarare Derby Part 2.

Maneja weCAPS United, Luis Maio, anoti chikwata chavo chiri kupinda mumutambo uyu chiine hukasha hukuru.
Maio anoti akapfura makore ekare apo vaijairirwa neDeMbare.

“Chakachaya svondo rino, hatidi kunyeperana nekuti tiri kuona hwini yedu chete svondo rino.
“Tiri kushanda nesimba nekuti tiri kuda kuhwina nekuti DeMbare tichasangana nayo kaviri masvondo akatevedzana saka tinofanirwa kutora zvibodzwa zvese nekuti tikasadaro tinosara mundima,” akadaro Maio.

Maneja weDynamos FC, Richard Chihoro, anoti DeMbare haisi kumbotya Kepe-kepe sezvo chairi kuda kupinda mumutambo uyu yoirikita zvakasimba zvaisati yamboona.

Chihoro anoti rwendo rwekurwira mukombe weligi rwave kutanga izvezvi saka mutambo uyu pamwe nemimwe yose iri kutevera vanofanirwa kuhwina kana vachida kuchengetedza mukombe wavo  wavakahwina mwaka wadarika.

“Kepe-kepe tagara hatimboitarise asi tinofanirwa kuingwarira sezvo iri kutamba nhabvu inodakadza parizvino.
“Tiri kuda kuirova mumitambo miviri yatiri kusangana nayo yakatevedzana uye kana taikunda tobva taziva kuti tapedzerana nayo. Chinenge chasara kuhwina mimwe mitambo yedu inotevera apo tichasangana nezvimwe zvikwata.

“Panguva ino chinhu chakatikoshera kuhwina mitambo yedu yese yave kutevera nekuti ligi regore rino harina kumira zvakanaka, zvikwata zvese zviri kutamba nhabvu inodakadza uye unoshaya kuziva kuti ndechipi chichahwina mukombe.

“Saka ukaita zvekutamba unorohwa wobva watosara,” akadaro Chihoro.
DeMbare ichange ichinamata zvikuru kuti kaputeni wayo, Murape Murape, ange apora svondo rino kuti agotambe pamutambo uyu.
Vatambi vakaita saMurape vanobatsira  mukusimudzira morari yechikwata mumitambo mikuru yakadai iyi.

Zvakadaro, Kepe-kepe ichange yakaisa tariro kumutambi wayo, Hardlife Zvirekwi, uyo ari kupisa zvikuru munhandare mazuva ano. Mune mimwe mitambo iriko svondo rino,  Bosso ichange ichinamata zvikuru kuti mutambo weDeMbare neKepe-kepe upere uri mangange iyo itungamire apo ichasangana neBantu Rovers.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>