Harare Girls High yakatenda shasha

17 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro vanokurudzirwa kushanda nesimba muzvidzidzo zvavo kuitira kuti vagove neremangwana rine pundutso.
Kurudziro iyi yakaitwa nahuman resources manager wekambani yeChicken Slice, Mai Margaret Moyana, svondo rapera pakupihwa kwemibairo kwevana nevadzidzisi vepaHarare Girls High.

“Ndinofara kuunganirwa neshasha munyaya dzedzidzo nemitambo sezvamandiita nhasi nekuda. Ndinokukurudzirai kuti mushande nesimba, siyanai nekuita zvehunyope nekuti hapana anoda kushanda nadzo,” vakadaro Mai Moyana.

Mukuru weHarare Girls High, Dr Beauty Mutsambiwa, vakatenda vana vepachikoro chavo nekuzvibata kwavo.

“Ndinofara nekuti vasikana vari kuzvibata takatarisa kuti vanodzidza muguta umo mune zvimhingamupinyi zvakawanda, tinotonzwa nezvenyaya dzemisikanzwa pano neapo,” vakadaro.

Vakatenda vadzidzisi nekuzvipira mukuita basa ravo zvisinei nekuti mari yavari kubhadharwa haina kuringana.

Dr Mutsambiwa vakakurudzira vabereki kuti varambe vachishingairira kuti vana vavo vawane dzidzo yemhando yepamusoro kuburikidza nekubhadhara mari yechikoro nenguva.

Vana vakatunzvaidzwa pazuva iri vanosanganisira Trish Ngwiringwiri, uyo akahwinha mubairo wekugona kutamba muchongoyo (traditional dance) naAnnie Nyabango, uyo ari kuita Form 6 akakunda muzvidzidzo zvetsika nemagariro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>