Harare yakatonga

29 Aug, 2014 - 09:08 0 Views

Kwayedza

PUROVHINZI yeHarare ndiyo zvakare yakasimudza mukombe kumakwikwi achangobva mukuitwa kuMasvingo emaNational Youth Games.
Kwemakore anokwana 9 adarika, Harare yatora mukombe uyu kanonwe kusara kweapo Masvingo yakazviitawo mugore ra2004 pamwe neBulawayo iyo yakahwapura mukombe gore rakapera.

Harare yakakumba menduru dzinokwana 40 apo 17 dzaiva dzegoridhe, 12 dzesirivha pamwe ne11 dzebhuronzi.

Masvingo, iyo yaiva pamusha payo,  yakaita nhamba 2 ndokuwana menduru 36  – 16 dzegoridhe, 7 dzesirivha  ne13 dzebhuronzi.  Zvakadaro, Bulawayo yakarwa imire ndokutora menduru 31, 9 dzegoridhe, 13 dzesirivha pamwe ne9 dzebhuronzi.

Matebeleland North ndiyo yakaita muswe apo yakawana menduru dzinokwana 4, 2 dzesirivha pamwe ne2 dzebhuronzi.

Vachitaura nezvemakwishu aya, maneja wekomiti yemakwikwi aya mupurovhinzi yeHarare, VaNathaniel Madzivanyika, vakati vainge vatunzvaidzwa zvikuru nekukunda kwavakaita.

Vanoti gore rakapera apo Bulawayo yakatora mukombe havana kuora mwoyo.

“Tiri kushaya pekubata nemufaro chokwadi izvi zvaiva pachena nekuti vana vedu vakawaniswa nguva yakakura yekugadzirira makwikwi aya uye apa tava kunyatsoziva kuti tava nemakwikwi chaiwo kusiyana neapo taingotora mukombe kwemakore akatevedzana,” vakadaro VaMadzivanyika.

Mashoko avo akatsinhirwa naVaChristopher Katore vanova Education Officer kubazi remitambo, tsika nemagariro vachiti kuhwinha kwakaita purovhinzi yavo waiva mucherechedzo wekuti vechidiki ava vainge vava kuziva kukosha kwemakwikwi aya. “Chokwadi Harare yakadadisa asi chiripo chatakaona ndechekuti vana ava vave kuziva kuti aya makwikwi nekudaro vanofanira kushanda nesimba, takatora nyanga iyi kunyangwe zvaiva zvakaoma sei, takarwa semvumba,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>