Uncategorized

Hari dzine tsvina yevanhu dzakatorwa

02 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
Hari dzine tsvina yevanhu dzakatorwa Sabhuku Chidamba

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
HARI nhatu dzizere tsvina yevanhu, doro, nyama mbishi nenhekwe yefodya nebakatwa rakabairirwa muvhu, izvo zvakasiiwa nevanhu vasingazivikanwe mubhuku raChidamba, kwaMunyawiri, kuDomboshava, zvinonzi zvakazobviswa.

Sabhuku Stowell Chidamba vanoti vakazoshevedza maporofita akabvisa zvinhu izvi. Kwayedza nguva yadarika yakashanyira nzvimbo iyi ndokuona zvinhu zvaive zvakarasirirwa musango izvi zvinosanganisira hari dzaive netsvina yevanhu.

“Takazounza mamwe maporofita eNguwo Tsvuku vanova vakauya vakamwaya munyu pahari dziya vachibva vadzibvisa zvose vakanokanda kurwizi. Dambudziko ratakazenge tosangana naro nderekuti vakange voti vanoda machira emudzimu kuti vange vachiapisa tikashaya kuti zvinorevei. Asi tinotenda kuti zvinhu izvi vakazvibvisa pasina muripo,” vanodaro Sabhuku Chidamba.

Hari dzaive dzizere tsvina dzisati dzabviswa.

Mudzimai wavo, Mai Chidamba, vanotsinhira nezvekubviswa kwehari dzaive netsvina yevanhu idzi.

“Hongu, vakauya vanamadzibaba vakabvisa hari dzaiva pachikomo idzi. Takanga tanzwa nekufonerwa nevanhu uye vana vedu vari kuHarare vachiti mava kutisekesa nenyaya yetsvina iyi. Saka handidi hangu nezita rangu,” vanodaro.

Mai Angeline Munyawiri vekwaSabhuku Motsi, kuDomboshava kwakare, vanoti aya mabasa eSatanism.

“Kudai vanhu ava vakanga vachiita zvinhu zvekuda kubatsira upenyu hwemunhu, vangadai vakatanga vaona vakuru venzvimbo semasabhuku kana madzishe. Asi nekuda kwekuti zvine Satanism mukati, ndiko kusaka vakasarudza kuzviita muchivande,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links