Hart ave kuBurnley

10 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Hart ave kuBurnley Joe Hart

Kwayedza

JOE Hart akabva kuManchester City achienda kuBurnley.

Shasha iyi — iyo yaimbove mubati wepagedhi weEngland — akasayina kondirakiti yemakore maviri kuchikwata chaSean Dyche uye ane tarisiro yekuwedzera rimwe gore pamusoro.

Burnley, iyo yagara ina Tom Heaton naNick Pope muchikwata chayo, yakabhadhara mari inosvika £3.5 miriyoni pamwe neimwe ichazotevera yekutenga Hart.

Achitaura pamusoro penguva yake kuEtihad, Hart akaudza CityTV kuti, “Zvange zvichifadza zvikuru, ndakakura zvakanyanya. Ndakauya kuno ndine makore 19 ekuberekwa, ndave kubva ndave ne31 saka inguva ndefu chaiyo uye zvinhu zvakawanda zvakaitika — mhuri, shamwari uye nenhabvu yakawanda!

“Ndinonzwa rudo nekugamuchirwa. Ndaifarira zvikuru rudo rwandaipihwa nevatsigiri veMan City, ndakauya kuno ndiri mutambi weShrewsbury Town, kakomana kaibva kuShrewsbury. Zvainge zvakandikoshera kuve kuchikwata chino chisati chatanga kurwira mikombe uye ndakagamuchirwa kubva pazuva rekutanga. Ndofunga vakaona mandiri mumwe munhu aizoshanda nesimba rake kuti tiende kure.

“Ndaisazokwanisa kuita zvandakaita dai ndange ndisina kugamuchirwa uye ndisina mufaro, saka ndinofara kuti ndakapa vatsigiri nguva yemufaro uye ndinoshuvira kuti ndichagara mundangariro dzavo.”

Sportsmail yakaburitsa svondo radarika kuti mutambi uyu ange ave kusvika pakubva muchikwata ichi icho chaakatambira kwemakore anodarika 12 zvichitevera kuburitswa kwaakaita naPep Guardiola.

Akapedza mwaka wadarika ari kuWest Ham uko akaendeswa nechikwereti, asi haana kutamba zvakagutsa kuti apinde muchikwata chaGareth Southgate chakaenda kunokwikwidza kumutambo weWorld Cup.

Mwaka wa2016-17, akaupedza ari kuTorino inokwikwidza muSerie A uko akaenda nechikwereti, ndokutamba ka37 ndokuzodzoka kuEngland. — SportsMail Football

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>